Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoramba Ichivimbisa Vashandi veZBC Mari yeMihoro


ZBC
Hurumende inoti ichaita zvose zvainokwanisa mukubatsira Zimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, kuitira kuti nhepfenyuro iyi iite basa rayo nemazvo.

Izvi zvataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, avo vadzokorora kuti hurumende iri kuzobatsira ZBC kuitira kuti ikwanise kubhadhara vashandi vayo mari dzemihoro dzavasina kupihwa kwemwedzi minomwe yapfuura.

Zvinonzi vashandi vekuZBC vari kudya magaka neminzwa yawo vachiti vakangopihwa madhora zana mwedzi uno kwete mari dzavo dzemwedzi minomwe yapfuura sezvavainge vavimbiswa.

Vashandi vataura neStudio 7 vasina kuda kudomwa nemazita vanoti havasi kufara kuti vakuru vekambani iyi vari kudya norivha ivo vachidya nhoko dzezvironda.

Mukuru wekambani iyi akambomiswa basa, VaHappison Muchechetere, vange vachipihwa mari inosvika zviuru zvina pachiwedzerwa zvimwe zvirehwa rehwa.

Hurumende mubhajeti rayo regore rinoya inoti ichatanga kutara mitemo inoona kuti hapana vakuru vemakambani ari kutatarika vachapihwa mari dzakawandisa vashandi vachiyaura.

Hurumende inoti panodiwa mari inoita zana nemakumi mashanu emamiriyoni emadhora achashandiswa mumakore maviri mukuvandudza mishina inoshandiswa pakutepfenyura.

Pamari iyi, hurumende ichaisa parutivi mari inoita mamiriyoni matatu nemazana matatu ezviuru zvemadhora, iyo ichashandiswa mukuvandudza mishina, imwe mari yacho yokweretwa kumabhanga.

Pamari iri kuiswa parutivi nehurumende, hapana mari yekutambirisa vashandi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Econnomic Development Reseach Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitamba, vanoti hurumende inofanira kurumura ZBC yozvimirira sezvo ichikwanisa kuwana kana ikashanda nemazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG