Accessibility links

Vanyori Vakawanda Vanoti Zvinyorwa Zvavo Zviri Kushandiswa Pasina Muripo

  • Arthur Chigoriwa

Hundreds of people are expected to attend this year's Zimbabwe International Book Fair. (Photo: ZIBF)

Chirongwa cheZimbabwe International Book Fair chiri kuitika muHarare hurumende ichikurudzirwa kuti ipedze dambudziko rekubiwa kwepfungwa dzevanyori mumabhuku, kupedza huori munyaya dzekutengesa mabhuku zvisiri pamutemo kuitira kuti mabhuku abhadhare vose vane chekuita nekunyorwa, kudhindwa pamwe nekutengeswa kwemabhuku.

Vanyori, vanodhinda, vanotengesa mabhuku pamwe nevadzidzisi vari kuwirirana kuti hurumende haina kupedza dambudziko rekudhindiswa nekutengeswa kwemabhuku zvisiri pamutemo.

Munyori ane mukurumbira, Musayemura Zimunya, anoti huori hwakanyanyisa munyika zvekuti mapurisa nevezvematongerwo enyika vanodhindisa mabhuku zvisiri pamutemo.

Zimunya anoti vanhu vanoonekwa vachitengesa mabhuku zvisiri pamutemo vanenge vatumwa nevakuru vekumapurisa nekumapazi ehurumende.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru weZimbabwe International Book Fair, ZIBF, VaBlazio Tafireyi, vanoti tsvakiridzo yavakaita inoratidza kuti mapurisa nevezvematongerwo enyika ndivo vevamwe vari kuita basa rekudhindisa mabhuku zvisiri pamutemo.

Zimunya anoti zvikoro ndizvo zviri pamberi mukutyora mutemo wekudhindisa mabhuku zvisiri pamutemo.

VaTafireyi vanoti kunyange vakaendesa vanhu vakawanda kumatare edzimhosva nemari inosvika zviuru makumi manomwe nezvishanu hapana chakabuda kumatare sezvo vachinzi vabhadhare mari yefaindi inosvika madhora makumi maviri.

Vachivhura musika wemabhuku neChitatu, gurukota rezvedzidzo yepasi, VaLazarus Dokora, vati vemuzvikoro vanofanirwa kushanda vasingatyore mutemo wemabhuku.

Vanotengesa mabhuku vanoti mabhuku avo haasi kutengwa sezvo vakawanda vave kutenga mabhuku pamikoto.

Mukuru weInnov8, VaPeace Muwani, avo vanotengesa mabhuku, vanoti rimwe dambudziko ravari kusangana naro nderekuti vanodhinda mabhuku vave kutengesa vega mabhuku senzira yekuita mari yakawanda.

Musika wemabhuku wavhurwa kuruzhinji rwevanhu nhasi uye uchange wakavhurwa kusvika neMugovera.

Mangwana rinenge riri zuva rekuratidzira mabhuku kuvanhu uye kusangana kwevaverengi vemabhuku nevanyori .

Gore rino musika wemabhuku uri kuitwa pasi pedingindira rinoti: Making the Book Pay.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG