Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Book Fair yeGore Rino Yotanga muHarare


Zimbabwe International Book Fair, ZIBF, inovhurwa nhasi muHarare paine kurudziro kuvanyori kuti vanyore mabhuku anoratidza nekubudisa zviri kuitika nguva ino sezvaiita vanyori vakare.

Vachitaura pamusangano wekuvhura ZIBF, munyori ane mukurumbira uye vanga vari munyarikani VaStanley Nyamupfukudza vati vanyori vanofanirwa kunyora mabhuku anoenderana nenguva yatiri kurarama.

VaNyamufukudza avo vanozivikanwa nebhuku ravo rine mukurumbira rinonzi 'Non-Believers Journey' vati mabhuku evana anofanirwa kuratidza zvinhu zvinosangana nemwana mukurarama kwake.

Mashoko aya atsinhirwa nemumwe munyori VaMemory Cherere vakanyora mabhuku anosanganisa Somewhere in This Country, Tudikidiki uye Toriro and His Goats.

Mumwe mudzidzisi wepachikoro chinodzidzisa zvehurairidzi cheNyadire Teachers College, Muzvare Roseline Kumvekera vanoti vakaita tsvakiridzo yakaratidza kuti vanhu vanonzwisisa zviri mubhuku kana vakabatanidza zvinyorwa nemararamiro avo.

Muzvare Kumvekera vanoti tsvakiridzo yavo yakaburitsawo kuti pane zvinhu zvakawanda zvisiri kunyorwa nezvazvo zvakaita sezvekushanya.

Mumwe munyori mukuru muZambia uye vari mudzidzisi mukuru pachikoro cheUniversity of Zambia, DR Cheela Chilala vaudza

Dr Chilala vanoti hakuna simba kunyange rehurumende rinomisa kupararira kwepfungwa dziri mubhuku kunyange rikabhanwa. ZIBF yegore rino iri kuitwa pasi pedingindira rekuti; “Footprints of the Book; Milestone and Opportunities”

VaChirere vanoti vakaona dingindira iri rakakodzera sezvo vari kuda kuona mafambiro akaita vanyori vekare uye kuti vadzidze zvakanaka zvavakaita.

Musangano wanhasi wapindwa nevanyori, vana nyanduri,vanodhinda nevanotengesa mabhuku kuti mabhuku nemitambo zvine simba rekushandura mararamiro evanhu. Gungano reZIBF iri richapetwa nemusi weMugovera.

Zvichakadaro mune imwewo nyaya, vanoita zvemafirimu vaine mukurumbira munyika VaDavies Guzha nevamwe vavo vatatu vanoti VaPeter Churu, VaTendai Maduwa naVaKuda Bryton Bwititi avo vakasungwa nezuro mangwanani vachipomerwa mhosva yekuita mutambo vasina kupihwa mvumo nebhodhi reCensorship vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

Firimu iri rinonzi Lord of Kush uye rinonzi rakaratidzwa kuTheatre in the Park nemusi weChishanu. Lord of Kush rinotaura nezvehondo dziri kuitika kuPakistan.

Hatina kukwanisa kubata veCensorship Board kuti tinzwe divi ravo panyanya iyi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

VaGuzha nevamwe vavo vanzi nemutongi wedare ramejastiriti muHarare, Muzvare Babra Mateko vabhadhare madhora mazana maviri emabhondi pamunhu uye vanzi vadzoke kumatare edzimhosva musiwa 29 Nyamavhuvhu.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG