Accessibility links

Zimbabwe Inotenga Ndarama yeBond Coins kuSouth Africa?


VaJohn Mangudya.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi dzinoti kutengwa kwemari yendarama, bond coins, kuSouth Africa kunoratidza kuti senyika, Zimbabwe haisisina mishina yekugadzira mari yayo.

Izvi zvinouya mushure mekunge patenderera gwaro rinoratidza kuti Zimbabwe yakatenga ma bond coins emasendi makumi mashanu anosvika mamiriyoni matatu emadhora.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi, VaAndrew Tsiga, vati izvi zvinoratidza kuti Zimbabwe haikwanisi kugadzira mari yayo pachayo.

Asi imwe nyanzvi zvakare yezveupfumi, VaNyasha Muchichwa, vatiwo zvakaitwa nebhanga guru renyika zvakanakirawo nyika kuchengetedzawo mari iyi kuitira kuti isangogadzirwa nguva nenguva zvisina tsarukano.

Asi vati mutengo wemari yakagadzirwa kuSouth Africa, wakawandisa zvikuru.

VaMuchichwa vati danho rakatorwa nehurumende haripedzi dambudziko rekushaikwa kwemari munyika. Vati kusvika hurumende yagadzirisa mari yainoshandisa pamwedzi wega wega, Zimbabwe haigoni kubuda mumatope mairi.

Gwaro rine Studio7 rinoratidza kuti mari iyi yakadhindwa nekambani yeSouth African Mint Company, uye kambani iyi yakazivisa mukuru anoona nezvekufambiswa kwemari kubhanga guru renyika neChitatu, Professor Kuveya.

Asi hapana kujeka kuti mari iyi ichapinda riini muZimbabwe ichibva kuSouth Africa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hatinawo kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, avo vati vanga vari kuBulawayo.

Vachitura hurongwa hwemari mwedzi mishoma yapfuura, VaMangudya vakati hurumende ichaunza munyika mari inoita mamiriyoni mazana matatu ema bond note.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG