Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvowedzera Mari Zvichiti Mitengo yeChikafu neZvimwe Iri Kuramba Ichikwira


Musikana wechikoro

Vabereki vane vana muzvikoro zvebhodhing’i vanoti vava kubvisa vana vavo muzvikoro izvi sezvo zvikoro izvi zvava kuvadhurira.

Vabereki vakataura neStudio7 mushure mekushanyira vana vavo vanoti vakaudzwa kuti mari yechikoro yakakwidzwa nezvikamu zvinopfuura zana kubva muzana zvikoro zvichinzi zviri kuti mitengo yechikafu iri kukwira zuva nezuva muzvitoro.

Ukuwo vakuru vezvikoro vanoti vave kunetseka kutengera vana vechikoro chikafu chakakwana nekuti mitengo iri kukwira zvichiita kuti mari yakabharwa nevabereki vevana ava isakwanie

Mumwe ane mwana ari pachikoro chakakwidza mari, VaOscar Makova, vanoti kuendesa mwana kubhodhing’i kwave kurwadza nekuwedzerwa kwaitwa mari idzi.

Muzvare Molly Murinye vanotiwo kunyange hazvo zvinhu zviri kukwira munyika, zvikoro zvinofanira kuziva kuti mari inotambirwa nevashandi, kunyanya vehurmende, haisi kukwira sezviri kuita mitengo yezvinhu muzvitoro.

Studio7 haina kukwanisa kubata mukuru wemabasa mubazi rezvedzidzo yepasi mudunhu re Masvingo, VaZedius Chitiga, kuti tinzwe pamire hurumende.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvidzidzo yepasi, VaEdgar Moyo, vanoti hurumende yakapa mvumo kuzvikoro kuti zviwirirane nevabereki pakukwidzwa kwe mari dzechikoro vozonyora tsamba yekupiwa mvumo kubazi ravo.

Asi mumwe mubereki, Muzvare Sungano Zvarebwanashe, vanoti sezvo kukwidzwa kwakatendedzwa nehurumende, vanoona zviri nani kudzosa vana vavo vadzidze havo pazvikoro zvavanenge vachibva kumba, izvo zvisiri kuwedzera mari nekuti hakutengwi chikafu.

Muzvikoro zvizhinji, vadzidz vanoti vave kushuva nyama sezvo yave kudhura izvo zviri kuita kuti vadye nemuriwo wekabeji, bhinzi kana mukaka.

Vadzidzi ava vanotiwo mangwanani vari kudya bota chete sezvo chingwa chave kudhura zvakanyanya.

Mumwe mubereki, VaTakunda Mutengwa, vati zvinhu zvikaramba zvakadai vana vanogona kurwara nezvirwere zvekushaiwa chikafu chakakwana.

Vabereki vevana vepachikoro che Gokomere Mission vakanetsana nemusi weMugovera nevakuru vechikoro ichi pamusangano wakaitwa zuva rekushanyira vana apo vanga vanzi vawedzere mari inosvika chiuru nemazana mapfumbamwe emadhora.

Izvi zvakarambwa nevabereki avo vakati pakavhurwa kwezvikoro mwedzi wapera, vakabhadhara chiuru chemadhora nemazana maviri.

Vabereki nevakuru vechikoro ichi vakazowirirana kuti vawedzere mazana matanhatu emadhora.

Zvimwe Zvikoro zvakaita seChibi ne Dewure High zvakawedzera mari inopfuura chiuru chemadhora.

Zvikoro zvinonzi zviri kuramba zvichiwedzera mari nekuti mitengo yechikafu, nemafuta edzimotokari iri kukwira svondo roga roga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG