Accessibility links

Breaking News

VaWadyajena Vokonzeresa Mutauro kuMasvingo neMifananidzo yaAmai Mugabe


Zimbabwe 1st Lady Grace Mugabe at 16th Zanu-PF Conference in Masvingo
Zimbabwe 1st Lady Grace Mugabe at 16th Zanu-PF Conference in Masvingo

Nhengo ye Zanu PF inomirira Gokwe Nembudziya muparamende, VaJustice Mayor Wadyajena, vakonzeresa mutauro apo vasvika panzvimbo yanga ichitiriwa musangano wekunzwa pfungwa dzevanhu pabhiri rekuvandudza mutemo wekomishoni yerunyararo nekuregererana.

VaWadyajena vasvika pamusangano uyu kuMasvingo vaine mota yange ine zvinyorwa zveZanu PF uye ine mufananidzo wemudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Izvi zvaita kuti vagari vekuMasvingo vapopote vachiti VaWadyajena vari kutyora mutemo weparamende unorambidza nhengo dzeparamende kupfeka zvipfeko zvebato kana dzichiita basa rekutsvaga pfungwa devanhu.

VaWadyajena, avo vanga vari ivo sachigaro wekomiti yezvemitemo, vashoropodzwa nevazhinji vachiti vanga vachida kukonzeresa nyonga nyonga uye kutyisidzira vanhu vange vauya kuzotaura nezvebhiri iri.

Mumwe wevanhu vasina kufara nezvaitika pamusangano uyu ndi Amai Sungano Zvarebwanashe.

Amai Zvarebwanashe vati VaWadyajena vanofanirwa kuita zvinhu zvinotambirwa neveruzhinji kuitira kuti chirongwa chavari kuita chiite chiremera.

Mumwe mugari wekuMucheke, Va Godfrey Kurauone, vati izvi zvaitika apo bhiri iri riine nyaya dzakaoma dzine chekuita nemhirizhonga yakaitika munyika ikatora hupenyu hwevanhu vakawanda.

Imwe nhengo yekomiti iyi, Muzvare Jessie Majome, vashorawo sachigaro wavo vachiti aita zvinhu zvakashata zvisiri pamutemo.

VaWadyajena varamba kutaura nezvemotokari yavo vakangoti musangano waitwa zvakanaka.

Asi vagari vanosanganisira Amai Enterance Takaedzwa vati ivo VaWadyajena vakaramba vachifamba nemotokari yakadai vanokonzera kupesana kwevanhu avo vari kuda kugadziriswa nekubatanidzwa nebhiri rerunyararo iri.

Vanhu vazhinji vashoropodza bhiri iri rakaitwa patsva mushure mekurambwa gore rapfuura vachiti rangodzoka rakadaro risina kubviswa zvavakaramba zvekupa masimba akawanda kugurukota rezvemitemo.

Vataura pamusangano uyu vati gurukota rezvemitemo riri kupihwa masimba akawandisa ekupindira mukutongwa kwenyaya dzemhirizhonga kunyanya panyaya dezvematongerwo enyika.

Vanhu ava vati gurukota iri harifanirwe kupihwa masimba akawanda.

Veruzhinji vanoti bhiri iri rinofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti nyaya dzemhirizhonga dzakaitika kubva nyika yawana kuzvitonga, uye kubvutirwa pfuma kwakaitika kune vanopikisa mugore ra 2008, kugadziriswe kuitira kuti vanhu vagarisane zvakanaka munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG