Accessibility links

Breaking News

VaBhasikiti Vofarira Mutongo weConcourt


bhasikiti
bhasikiti

Vaimbove mumiriri weMwenezi East mudare reparamende, vasati vadzingwa muZanu PF, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti mutongo wekapihwa nedare reConstitutional Court neChina wekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasamhanyirire kuvadzinga, wakakosha zvikuru.

VaBhasikiti vanotiwo mutongo uyu unosimbisa vamwe vavo muZanu-PF vari kugara vakabatira ura mumaoko vachitya kudzingwa mudare reparamende.

Dare rakati VaMugabe vanofanira kumirira kuti dare repamusoro ritange rapedza nyaya yakakwidzwa kudare iri naVaBhasikiti yekuti Zanu-PF naVaMugabe vainge vavadzinga mubato nemudare reparamende vasina kupihwa mukana wekupawo divi ravo. VaBhasikiti vange vachimirirwa naVaTendai Biti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi gweta raVaMugabe, VaTerrence Hussein, vanoti vanotambira mutongo wakaturwa nedare, uye vachaita zvose zvavanogona mukuona kuti zvinhu zvafambiswa negwara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG