Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vovaraidzwa neMitambo yeHIFA


HIFA
HIFA

Chirongwa chemitambo yeHarare International Festival of the Arts (HIFA) chapinda muzuva repiri vechidiki vachifarira kuwaniswa mabasa pamwe nekuvaraidzwa panguva iyo zvinhu zvakaoma munyika.

Kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi, chirongwa cheHIFA chamutsa zvakare guta reHarare apo vanofarira zvemitambo vari kuvaraidzwa.

Mumwe wevanga vari kuHIFA, VaSamson Humba, vati kunyange hazvo mari iri kunetsa munyika, HIFA inovapa mukana wekumbokanganwa nhamo dzavo.

Vamwewo vatiwo HIFA inovapawo mukana wemabasa ayo ari kunetsa munyika. VaNaison Nike, avo vari kuita basa rekubatsira kushambadza nzvimbo iri kuitirwa HIFA, vanoti kudzoka kwemutambo uyu gore rino kwavaisa mumafaro sezvo vari kubatsirikana sevanhu vasina mabasa.

Izvi zvatsigirwa nemumwe mukomana wechidiki, Tendai Chaparadza, anoti kubva apedza zvidzidzo zvake muna 2011 haasati amboshanda. Chaparadza akawana basa rekuchengetedza zviri kuitika kuHIFA.

HIFA haina kuitwa gore rapera sezvo makambani akawanda anobatsira pachirongwa ichi aitatarika.

VaStanley Mutanga, avo vanoveza matombo, vanoti kushaikwa kwemutambo weHIFA gore rapera kwakavadzorerawo shure sezvo vachiwana bhizimusi pamitambo yakadai.

Chirongwa cheHIFA chakatanga neChipiri uye chinopera musi weSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG