Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi paUZ Voratidza Mifananidzo Inodonongodza Hupenyu hwaNhasi


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Vadzidzi gumi vepaUniversity of Zimbabwe vari kuratidza mifananidzo yakasiyana-siyana inoratidza mararamiro ari kuita veruzhinji munyika panguva iyo hupfumi hwenyika huri kuenda kumawere.

Mumwe wevari kuratidza mifananidzo yavo, VaMelvin Gwishiri, vane mifananidzo inoratidza nyonga nyonga. Vati chinangwa chavo ndechekuti zvemitambo munyika zvishandiswewo kuudza vatungamiri venyika zviri kunetsa veruzhinji.

VaJoseph Muzamani vane mifananidzo yevanhukadzi vachiita mabasa akasiyasiyana kuti vawane chouviri. VaMuzamani vati vari kuratidza mifananidzo yemadzimai iyi nepamusana pekuti madzimai ari kuita zvese zvingakwanisika kuti variritire mhuri dzavo.

Mumwe mudzidzi ari kuratidzawo mifananidzo yevatengesi vezvinhu zvakasiya-siyana kusanganisira vasikana vanotengesa miviri yavo, VaArnold Chiringa, vatiwo muZimbabwe, ruzhinji rwuri kurarama nekutengesa.

VaChiringa vati nekuda kwekushaikwa kwemabasa, vanhu vanotengesa vawanda kudarika vatengi, izvo zviri kupa kuti vatengesi vawane mari shomana zvikuru.

Mifananidzo iyi iri kuratidzwa pasi pedingindira rinoti, “Life as we know it.” Kuratidzira uku kwakavhurwa zviri pamutemo neimwe nyanzvi mune zvekuveza matombo, VaDominic Benhura. Kutaridzira uku kunopera neChishanu svondo rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG