Accessibility links

Breaking News

General Chiwenga Votsvagira Zanu-PF Rutsigiro kuMasvingo


Apo Hurumende yemubatanidzwa iri kunetsana nenyaya yekuvandudza mashandiro emauto, mapurisa nevasori, mutungamiri wemauto General Constantine Chiwenga vari muMasvingo umo vari kutsvagira Zanu-PF rutsigiro.

NeChina VaChiwenga vakaita musangano nevakuru vevaimbova varwi vehondo yerusununguko muMasvingo vakava kurudzira kuti vatsvakire bato reZanu-PF rutsigiro munguva yesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.

Musangano waVaChiwenga kuMasvingo unotevera mimwe misangano yakadai yavanga vachiita mumatunhu anoti Chivi, Chiredzi, Zaka ne Mwenezi.

Pamisangano yose iyi VaChiwenga vaisangana nevakuru vevaimbova varwi vehondo yerusununguko pamwe nevakuru vemauto kunyangwe hazvo vatori venhau vasina kutenderwa kupinda mumusangano weChina, mutauriri wevaiva varwi vehondo yerusununguko VaKid Muzenda vakatsinira nyaya iyi.

VaMuzenda vanotti sevarwi vehondo yerusununguko vakavimbiswa kupiwa mimwe minda kana vakakwanisa kuita basa ravapiwa iri nemazvo.

VaMuzenda vanotti vaiva varwi vehondo yerusununguko vari kuda minda yenzimbe kuChiredzi semubairo webasa ravanenge vachiita. VaAlbert Zivanai ndoumwe we vaimbova varwi vehondo yerusununguko vakapinda mumusangano uyu.

VaZivanai vati vanotsigira zvikuru danho ratorwa naVaChiwenga vakaenderera mberi vachiti dai misangano yakadai yaitwa munzvimbo zhinji dzenyika.

VaZivanai vati vachaedza zvikuru kutsvakira bato ravo reZanu-PF rutsigiro kuti rikunde musarudzo dzinotevera. VaChiwenga vatsinhira kuti vari kuita misangano kuMasvingo svondo rino asi vakaramba kutaura neStudio 7 nezvechinangwa chemisangano yavo.

Vati semukuru wemauto vari kufamba vachiona zviri kuitika vakati vaiva varwi vehondo yerusununguko inhengo dzemauto enyika.

Mapato eMDC ari maviri ari kuda kuti mabasa emauto, vasori pamwe nemapurisa avandudze kusati kwaitwa sarudzo munyika gore rino.

Mapato eMDC aya ari kuti mauto, mapurisa, pamwe nevasori vanotsigira zviripachena mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe nebato ravo reZanu-PF. Vamwe vevakuru vemauto vakatotaura nechekare kuti vanotsigira Zanu-PF.

Gurukota rezvemauto uye nerevasori vakatozivisa kare kuti havatenderane nepfungwa yekuti mashandiro emauto avandudzwe.

Asi muyananisi weSADC mugakava remunyika vaVaJacob Zuma vakatotaura nechekare kuti nyaya yekuvandudzwa kemauto, mapurisa pamwe nevasori inofanira kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG