Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Hapana Mutsauko Pakati paVaMugabe naVaMnangagwa


VaEmmerson Mnangagwa naVaRobert Mugabe
VaEmmerson Mnangagwa naVaRobert Mugabe

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti hadzioni mutsauko uripo pakati pemutungamiri mutsva wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, naVaRobert Mugabe avo vakatonga nyika kwemakore makumi matatu nemanomwe.

Nyanzvi idzi dzinoti VaMnangagwa vane ruzivo rwavakadzidzakwemakore akawanda kubva kuna VaMugabe izvo zvichapa kuti hutungamiri hwavo hufanane nehwaVaMugabe.

Imwe yenyanzvi idzi, Va Tendai Reuben Mbofana, vanoti havatarisiri zvakawanda kubva kuna VaMnangagwa sezvo vari munhu agara muZanu PF kwenguva yakareba.

VaMbofana, avo vanove zvakare mukuru wezvirongwa musangano re Zimbabwe Network for Social Justice, vanoti vanoshushikana nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu kwaitika mumazuva mashoma apfuura.

Vanotiwo kutyorwa kwekodzero uku nemauto munongedzo mukuru kuhutongi hwehurumende yaVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG