Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobvumidza Kurimwa kweMbanje Zviri paMutemo


Marijuana plants
Marijuana plants

Hurumende inoti yava kubvumidza vanhu kuti varime mbanje zviri pamutemo, mbanje iyi ichishandiswa semushonga unorapa unenge wapihwa munhu nachiremba.

Pasi pemutemo we Statutory Instrument 62 of 2018, "Dangerous Drugs – Production of Cannabis for Medicinal and Scientific Use Regulations", gurukota rezveutano ndiro rine masimba ekubvumidza vanoda kurima mbanje zviri pamutemo.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vanenge vopihwa rezenisi rekuti varime mbanje, vachiita zvinodiwa nemutemo.

Mbanje iyi ienge ichitengeserwa kuzvitoro zvinogadzira mishonga zvinenge zvakapihwa mvumo nehurumende.

Chiremba vanoshanda nesangano reZimbabwe Doctors for Human Rights, VaNicholas Wazadza, varumbidza zvikuru danho ratorwa nehurumende vachiti izvi zvichabatsira vanogadzira mushonga.

Dr Wazadza vatiwo zvirwere zvakaita segomarara zvinodawo mishonga ine mbanje mukati.

Dr Wazadza vatiwo kushandiswa zvakaipa kwembanje kune njodzi nekudaro zvakakoshawo kuti hurumende inyatsoongorora kuti mbanje iyi haizoshandiswi zvisiri pamutemo.

Asi Amai Dorcas Chihwa, avo vanogara kuMufakose, vati senyika ine huori, vanotyira kubvumidzwa kurimwa kwembanje uku.

Amai Chihwa vati zvinenge zvichida kunyatsoongororwa zvakadzama kuona kuti vanhu vanongorima mbanje kuti ishandiswe mukurapa netsvagiridzo chete, kwete kuti vazopedzisira votengeserana munzvimbo dzavanogara.

Izvi zvatsigirwawo naAmai Pretty Gambiza avo vatiwo vanotyira kuti vanhu vanozotadza kutevedzera zvinangwa chaizvo zvapa kuti kurimwa kwembanje munyika kubvumidzwe.

Zimbabwe inyika yechipiri mudunhu reAfrica kubvumidza kurimwa kwembanje zviri pamutemo mushure meLesotho.

Mbanje hachisi chinhu chitsva muZimbabwe sezvo ichirimwa kumaruwa, uye nzvimbo dzakaita seBinga, Mutoko neMt Darwin, dzichizivikanwa zvikuru nekurima mhando iyi yefodya.

Dzimwe nyanzvi dzinoti Zimbabwe inogona kurima mbanje yekutengesera dzimwe nyika, izvo zvinogona kuunza mari yakawanda.

Nyika dzakabudirira dzinotengesa mishonga inenge iine tetrahydrocannabinol, kana THC, iyo inobva mumbanje.

Asi munhu anofanirwa kunyorerwa prescription nachiremba kuti atengeserwe.

Matunhu anobvumidza kurimwa kwembanje muAmerica, akaita seMichigan, Oregon, California, Colorado nemamwe, akawana mari inoita mabhiriyoni manomwe emadhora kubva mumbanje yakatengeswa mugore ra 2016.

Huwandu hwemari iyi hwakakwira nezvikamu makumi matatu nezvina kubva muzana pamari yakawanikwa muna 2015.

Dunhu reOregon, iro rinogara muimbi wemuZimbabwe ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, uye riine vanhu mamiriyoni mana, rakawana mari inodarika mazana matatu emamiriyoni emadhora mukutengeswa kwembanje.

Bhizinesi rembanje rinowanisa vanhu vemuOregon zviuru gumi nezviri nechidimbu mabasa, vanhu vachibhadharwa madhora gumi nemaviri pa awa yega yega.

Dunhu reMichigan riri kukurudzirwa nesangano re Coalition to Regulate Marijuana Like Alcohol, kuti ribvumidza kuputwa kwembanje zviri pamutemo nemunhu anenge aine makore makumi maviri nerimwe zvichikwira.

Nyaya iyi iri kutarisirwa kuvhoterwa mudare remuMichigan muna Mbudzi.

Kunyange hazvo mamwe matunhu emuAmerica achibvumidza kurimwa kwembanje zviri pamutemo, hurumende yaVaDonald Trump inoti pasi pemitemo yenyika yose, mbanje haibvumidzwe, izvo zviri kupa kuti mitemo iyi ipesane pakati pezvinodiwa nematunhu nezvinodiwa nehurumende yose.

Matunhu emuAmerica ane kodzero yekuita mitemo yawo zvisina kupindira kwehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG