Accessibility links

Breaking News

Vane Vabereki Vakaberekerwa Kunze kweNyika Vonyunyuta


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira anoti haasi kufara kuti vanhu vakawanda vane vabereki vakaberekerwa kunze kwenyika vachatadza kuvhota musarudzo dzegore rinouya sezvo veZimbabwe Electoral Commission, ZEC, vari kuramba kunyoresa vanhu vane zvitupa zvikanzi alien.

Vanhu vane vabereki vakaberekerwa kunze kwenyika, kana kuti Aliens, vanonzi vari kutadza kupihwa zvitupa pasi pechirongwa chekupa vanhu zvitupa mahara vachinzi vatange vapihwa gwaro nebazi rezvemukati menyika.

Izvi zvakaita kuti seneta weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Amai Theresa Makone, vabvunze mutevedzeri webazi rezvemukati menyika, VaObedingwa Mguni, mudare reseneti kuti sei izvi zviri kuitika apo chirongwa chekunyoresa vavhoti chiri kutanga munzvimbo zhinji munyika mangwana.

Amai Makone vanoti chinorwadza ndechekuti vamwe vevanhu ava vakaberekerwa muZimbabwe asi vari kunzi mabvakure.

Vanhu ava vakaenda kumizinda yenyika kunonzi ndokunobva vabereki vavo kana madzitetagegu avo, vanoudzwa kuti havabvi kunyika idzodzo izvo zvinoita kuti vasare vasina kwavanobva.

Amai Makone vanoti izvi zvichaita kuti vakawanda vavo vatadze kuvhota.

Asi VaMguni vakati vanhu ava havakwanisi kuwana zvitupa pasi pechirongwa chekupa vanhu zvitupa mahara.

VaMguni vakati vano ava vanofanira kuenda kumahofisi aRegistrar General kuti vanondopihwa magwaro anodihwa kuti vapihwe zvitupa zvemuno.

Asi munyori anoona nezvesarudzo mudunhu reHarare muMDC T, VaIslam Samadhosi, vanoti vanhu vese vakazvarirwa munyika muno vane kodzero yekupihwa zvitupa pasi pebumbiro remitemo yenyika.

VaMadhosi vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nemahofisi a Registrar General, VaTobaiwa Mudede, uye vave kuronga kuenda mutare.

VaMadhosi vati dambudziko remaAliens rakanyanya mumisha inogara vazhinji yakaita seMbare, Highfields neMabvuku.

Vati vatora mazita evanhu mazana maviri evanhu vanoda kubatsirwa kuwana zvitupa zvemuno mumusha weEpworth.

Mutauriri weUnited Citizens Alliance, VaDavis Mukushwa, vanoti vanotsigira danho rekukwidza nyaya iyi kumatare.

VaMukushwa vanoti hazvina kunaka kuti hurumende irambe ichiita rusarura sezvo vazhinji vevanhu vari kunzi maAliens ava vakazvarirwa muZimbabwe.

Asi gurukota rezvemukati menyika, VaIgnatius Chombo, vakaudza Studio7 neChishanu kuti ma aliens ose anokodzera kuvhota munyika.

Mumashoko avakaburitsa muna Chikunguru, mukuru anoona nezvesarudzo muZEC, Amai Constance Chigwamba, vakati ani nani ane mubereki kana vabereki vakazvarirwa munyika dzemuSADC vanokwanisa kuvhota musarudzo dzemuno.

Asi vakati kana pane akadai ane chitupa chakanzi Alien anofanira kuenda kumahofisi ekwaRegistrar General kunogatsirisa zvitupa kuti akwanise kunyores kuvhota.

Amai Chigwamba vakati basa reZEC ndere kunyoresa vanhu kuvhota nekuvhotesa kwete kupa vanhu zvitupa kana mangwaro anoratidza kwavakazvarirwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG