Accessibility links

Vechidiki muZimbabwe Vanocherechedza Zuva reDay of The African Child


Day of The African Child - Mudadigwa

Vechidiki vapemberera zuva revana vemuAfrica rinorangarirwa musi wa16 Chikumi gore rega rega nenzira dzakasiyana siyana.

Vanorwira kodzero vanoti kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richichengetedza kodzero dzevana, hurumende haisi kuzvizadzisa.

Vamwe vechidiki ava varangarira zuva reThe day of the African Child vachiratidzira zvekuchengetedza nharaunda zvarongwa nemizinda yedzimwe nyika iri muZimbabwe pamwe nemasangano akazvimiririra.

Mudzidzi wemuGlenview 1, Muzvare Lisa Murisawu, vanoti vafara nehurongwa hwekutungamidza vechidiki mukuchengetedza nharaunda dzavanogara sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.

Mumwe mudzidzi wekuGlen Norah 2 High School awana mubairo mumakwikwi ekuratidza zvekuchengetedzwa kwenharaunda, Ruvarashe Njanji, akurudzira vanasikana vemuAfrica kuti vasazvitarisire pasi.

Mumwe murairidzi pachikoro chiri muHarare, VaAntony Packet, vati shuwiro yavo muzuva rekupemberera vana veAfrica ndeyekuti vana vese munyika vawaniswe mukana wekuenda kuchikoro kusanganisira vanoshaya.

Asi masangano akazvimiririra anorwira kodzero ashora zvikuru hurumende nekusaremekedza kodzero dzevechidiki.

Mukuru weZimbabwe Human Rights Association (Zimrights), VaOkay Machisa, vati zuva ranhasi harina zvarinoreva sezvo hurumende iri kutadza kuchengetedza kodzero dzevechidiki. VaMachisa vati kodzero dzakadai sedzedzidzo nehutano kuvana dziri kutyorwa vakakurudzira hurumende kuti itevedze bumbiro remitemo yenyika.

Vanoshanda nesangano reHeal Zimbabwe Trust, VaCleto Manjova, vatiwo vana veZimbabwe vanofanirwa kusimuka varwire kodzero dzavo sezvakaitwa nevana vekuSoweto kuSouth Africa mugore ra1976.

VaManjova vati vechidiki vemunyika vanofanirwa kutaura nezwi rimwe kuvatungamiriri venyika kuti vanoda kugara zvakanaka.

Zuva reThe African Child rakatanga kucherechedzwa muna 1991 pachirangarirwa kuurayiwa kwakaitwa vana vemuSoweto nehurumende yerusarura muSouth Africa muna 1976 apo vana ava vairwira kodzero dzavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG