Accessibility links

Breaking News

AU Yoita Chibvumirano neChina Chekuvaka Njanji, Migwagwa neNhandare dzeNdege


Nkosazana Dlamini-Zuma
Nkosazana Dlamini-Zuma

China yanyorerana chibvumirano neAfrican Union chichashandiswa mukuvakira nyika dzemu Africa njanji dzemhando yepamusoro soro dzinopinda munyika dzese dzemudunhu iri.

Nyaya Ina Sandra Nyaira
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mari iri muchibvumirano ichi, iyo isati yaziviswa, ichashandiswa mukutenga zvitima zvechizvino zvino zvinomhanya sebara, kugadzirwa kwemigwagwa inobatanidza nyika dzemu Africa, pamwe nekugadzira nhandare dzendege.

Chibvumirano ichi chanyoreranwa pasi nasachigaro we African Union Commission, Amai Nkosazana Dlamini-Zuma, pamwe nenhumwa yeChina ku Africa, uye vari mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekunze kweChina, Va Zhang Ming.

Va Zhang na Amai Dlamini-Zuma vati chibvumirano ichi chichaona nyika dzakaita se Zimbabwe nedzimwe dzose muAfrica dzichivandudzirwa njanji nemigwagwa, zvese zvichabatanidza nyika dzose makumi mashanu neina dziri mu Africa.

Amai Dlamini Zuma vati izvi hazvisati zvakamboitwa munhoroondo ye Africa.

Vapembedza zvikuru chibvumirano ichi vachiti chichaunza kubatana kwe Africa, mafambiro ari nyore, mabasa kune vechidiki nezvimwe zvakanangana nebudiriro. Vati chibvumirano ichi chasimbisa hukama hwe Africa ne China.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Va Zhang vati zvinorwadza kuti vanhu mu Africa kana vachida kufamba nendege, dzimwe nguva vanomanikidzwa kutanga vaenda ku Europe kuti vachinje ndege inenge ichienda kune imwe nyika yemu Africa. Vati zvinhu zvakadayi zvichapedzwa nechibvumirano chaitwa ichi.

Ukuwo Amai Dlamini-Zuma vatiwo nyanzvi dziri kushanda zvakasimba kuti dzione kuti basa rakakura kudai richada mari yakawanda zvakadii.

Chizvarwa che Zimbabwe chiri mu Addis Ababa muhurongwa hwemasangano akazvimirira, Amai Nyaradzai Gumbonzvanda, vaudza Studio7 kuti chibvumirano ichi chakanaka chose kana chikabatwa nemazvo kuitira kuti Zimbabwe isimukirewo pamwe chetepo nedzimwe nyika dzose dzemu Africa.

China ndiyo yakavaka njanji zhinji mu Africa, kutanga ne Tazara Railway Line inobatanidza Zambia ne Tanzania.

Kunyoreranwa kwechibvumirano ichi kwaitwa kumucheto wemusangano we African Union uko mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kupinda uye vachizopihwa matomu okuita sachigaro we African Union.

XS
SM
MD
LG