Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Vanhu Mamirioni Mashanu Vanyoresa Kuvhota MuSarudzo


Sangano reZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, rinoti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu vanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rino. Sangano reZEC rakawedzera chirongwa chekunyoresa vavhoti icho chotarisirwa kupera musi wa 8 Kukadzi.

ZEC yaimbenge yati inoda kunyoresa vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe asi izvi zvinenge zvakakona n’anga zvapa kuti iti kana mamiriyoni mashanu ari nani. Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati sarudza dzichaitwa mukati memwedzi mishanu.

Mukuru wesangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network Amai Rindai Chipfunde Vava vanoti zvinofadza kuti vanhu vakawanda vanyoresa kuvhota asi vakati ZEC inofanira kuongorora mhosva iri kupomerwa kuti bato reZanu-PF kuti riri kumanikidza vanhu vanenge vanyoresa kuvhota kuti vavape nhamba dzemagwaro ekunyoresa.

Hurukuro naAmai Rindai Chipfunde Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG