Vamwe vevanorarama neHIV/AIDS vari pamapiritsi anonzi e “second line” vanoti vava kutyira hupenyu hwavo sezvo mapiritsi e Abacavir ari kunetsa kuwana. Mapiritsi aya anotengwa kubva kunze kwenyika.
Mumwe wevanorarama neHIV, Amai Veronica Sikaka, vanoti vakatanga kumwa mapiritsi eAbacavir muna 2010. Vanoti panguva yese iyi yavanga vachimwa mapiritsi aya, vanga vasati vamboita dambudziko rekushaya mishonga yavo.
Asi Amai Sikaka, avo vanotorera mapiritsi avo kuChitungwiza, vanoti vave kushungurudzika zvikuru sezvo vari kupiwa mapiritsi emazuva mashoma ipo nguva yese yapfuura vaipiwa mapiritsi emwedzi mitatu.
Amai Sikaka vanotiwo kunyange hazvo mapiritsi aya achiwanikwa muzvitoro zvemapiritsi, havakwanisi kuatenga sezvo achidhura kwavari sezvo vari kutotambura kuwana mari yekuti vararame zuva nezuva.
Izvi zvinotsigirwawo naAmai Rosemary Mhashu vanoraramawo neHIV vachishandisawo mapiritsi mamwewo.
Amai Mhashu vanoti nekuda kwekuti vave kupihwa mapiritsi aya ari mashoma, kudzokera dzokera kuchipatara vachinotora mapiritsi kuri kukanganisa raramo yavo sezvo vachirarama nemabasa emaoko.
Sachigaro weZimbabwe National Network of People Living with HIV, VaSabastian Chinhaire, vanoti nhengo dzavo zhinji kunzvimbo dzakasiyana siyana dziri kuchema nekushaikwa kwemapiritsi e “second line.”
VaChinhaire vanoti vava kutyira kuti vanhu vakashaya mapiritsi aya, pavanozoanwa, anozotadza kushanda zvakanaka.
Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Agnes Muzondo, vanoti sezvo bumbiro remitemo yenyika richipa kodzero yehutano, hurumende inofanirwa kuwona kuti pawanikwa mari yakakwana yekutenga mishonga inodiwa munyika.
Asi munyori mubazi rezvehutano, Doctor Gerald Gwinji, vakati munyika mune mapiritsi anokwanira vanhu kwemwedzi gumi nemitatu inotevera.
VaGwinji vanotiwo dzimwe nguva vanhu vanopihwa mapiritsi emavhiki maviri pachinzvimbo chemwedzi mitatu nekuti mapiritsi anenge asati asvika kunzvimbo dzavo kubva kwaanochengeterwa vachiti asi izvi vari kuzvigadzirisa.
Bazi rezveutano rinoti pavanhu vanosvika mirioni imwechete varikumwa mapiritsi emaARV munyika, vanhu zviuru makumi matatu nezvina ndovari pamapiritsi e “second line”.
Facebook Forum