Accessibility links

Breaking News

Britain Inotenda Kuti Zimbabwe Yave Kuda Kudzoka kuCommonwealth


Ambassador Catriona Laing.

Zimbabwe yakazivisa kuti yainge yanyora tsamba ichikumbira kuti idzokere mugungano renyika dzainge dziri pasi pehutongo hweBritain kana kuti Commonwealth.

Hurumende yeZimbabwe inonzi iri kukokawo nyika dzemuCommonwealth idzi kuti dziuye kuzoongorora sarudzo dzegore rino.

Mumiriri weBritain muZimbabwe amai Catriona Laing vakaudza vamiriri vemasangano eZimbabwe ari munyika yebritain kuti ichokwadi kuti zimbabwe yainge yaisa chikumbiro ichi uye Britain nenyika dzemu EU dzakamirira kuona kuti munyika muchaitwa sarudzo dzakachena here vasati vatanga kunyatsodyidzana neZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Godfrey Kanyenze vanotungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti zvakanaka kuti Zimbabwe ishande nedzimwe nyika.

VaKanyenze vati vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakangoita zano ndega kuburitsa Zimbabwe muCommonwealth uye nyika yakarasikirwa nezvakawanda nekuda kwekubuda kwayakaita uku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG