Accessibility links

Breaking News

African Union Yoderedza Mireza Yavo Ichirangarira VaMandela


Sachigaro wesangano reAfrican Union, Amai Nkosazana Dlamini Zuma, vanoti vaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela, munhu akararama hupenyu hwekudzidzisa vanhu kukosha kwerudo, kubatana kwemarudzi, uye kuregererana.

Vati mireza yenyika yenhengo dzese dze African Union, idzikiswe semucherechedzo wekuremekedza VaMandela.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti VaMandela vaive gamba uye vaive munhu akazvipira munyaya yekurwira kodzero dzevanhu.

Sangano iri rinoti VaMandela basa ravo vasiya vapedza, zvasarira vasara.

Bato reNational Constitutional Assembly rinotiwo VaMandela vaive munhu akazvipira muhondo yekurwisa hudzvinyiriri uye munhu aida kugadzirisa magakava murunyararo.

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanotiwo pasi rose rarasikirwa negamba.

Mutungamiri weZAPU, VaDumiso Dabengwa, vanotiwo bato ravo rakashanda zvakasimba nebato raVaMandela munguva yehondo yechimurenga.

Vanoti pahondo yakarwiwa kubva muna 1967 kusvika 1968 kuSipolilo neHwange, kune zvizvarwa zveSouth Africa zvakafa zvichibatsira muhondo yeZimbabwe.

Mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vanotiwo Zimbabwe ine zvakawanda zvekudzidza kubva kuSouth Africa.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanotiwo South Africa yarasikirwa negamba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


please wait

No media source currently available

0:00 0:00:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG