Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vounganira Dhongi Rakaora paMuzinda weZESA kwaMutare


Một người lính Ukraine bị thương được đưa tới bệnh viện ở thành phố Artemivsk. Lực lượng chính phủ đã bắt đầu rút khỏi thành phố Debaltseve ở miền đông Ukraine sau khi bị quân ly khai thân Nga bao vây và cắt đường tiếp tế.
Một người lính Ukraine bị thương được đưa tới bệnh viện ở thành phố Artemivsk. Lực lượng chính phủ đã bắt đầu rút khỏi thành phố Debaltseve ở miền đông Ukraine sau khi bị quân ly khai thân Nga bao vây và cắt đường tiếp tế.
Ange ari manyama amire nerongo kwaMutare apo vagari vange vachida kubhadhara mari yavo yemagetsi vakawana pamahofisi emuguta akavharwa.

Vazhinji vevanhu ava vanoti vanga vachifungidzira kuti mahofisi aya anenge akavhurwa, sezvo pasina zvavakanzwa kubva kuZimbabwe Electricity Supply Authority, ZESA, zvine chekuita nekumbovharwa kwemahofisi aya.

Vagari vakawanda vekwaMutare vange vazere pamuzinda wemagetsi paMegawatt vachida kubhadhara magetsi avo asi izvi zvakundikana nekuti pange pakavharwa.

Pavasvika pamuzinda uyu, vaona pamusuwo paine chiziviso chekuti vaizokwanisa chete kubhadhara magetsi avo kana zororo rekisimusi rapera musi wa27 Zvita.

Mumwe mugari wemaMutare, VaIshamael Muumbe, vanoti havana kuudzwa paine nguva nevashandi vekuZESA kuti mahofisi emuguta achange akavharwa kutanga neMuvhuro. VaMuumbe vanoti kuita kwakadai kwavakanganisa zvikuru sezvo vachange vasina magetsi pakirisimasi.

Kunyange hazvo pamuzinda wemagetsi pange pakavharwa, dzimwe nzvimbo dzekubhadharira mari dzemagetsi dzange dzakavhurwa kumisha inogara veruzhinji yakaita sekuChikanga nekuDangamvura uko vagari vanga vachikwanisa kubvisa mari yemagetsi muzvitoro zvakaita seTM ne OK.

Asi izvi hazvina kushambadzwa zvakakwana izvom zvazoita kuti vanhu vaende kunoungana muguta vachifunga kuti mahofisi aya anga akavhurwa.

Mumwe mugari wemaMutare, VaBaiwai Munyeruki, vanoti ZESA yaifanirwa kuudza veruzhinji pachine nguva isati yavhara mahofisi ayo emuguta.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuvakuru vekuZESA kuti seyi isina kushambadza chirongwa chayo.

Asi mumwe mushandi wekukambani yemagetsi iyi, uyo aramba kudomwa nezita rake sezvo asina mvumo yekutaura nevatori venhau, anoti iye sevamwe vashandi munyika, vanosungirwa kuendawo kuzororo.

Asi ati kune mimwe mizinda iri kubhadharirwa mari yemagetsi yanga yakavhurwa. Asi mushandi uyu anoti izvi hazvina kushambadzwa zvakanyanya.

Kunyange hazvo vagari vekwaMutare vatarisana nedambudzi iri, vagari vemuBulawayo vanoti zvinhu zvanga zvichifamba nyore muguta ravo.

Sachigaro weBulawayo Progressive Residents Association, Va Edias Shumba, vanoti vagari vari kufara kuti ZESA yavhura mahofisi ayo muguta kuitira kuti vanhu vakwanise kutenga magetsi avo.

ZESA iri kushandisa chirongwa chekuti vanhu vabhadharire magetsi avanoshandisa vasati vatanga kuashandisa, pre paid meters, senzira yekukurumidza kuwana mari kuvagari vemumaguta vanoshandisa magetsi.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG