Accessibility links

Breaking News

VaNgwenya: Zviri Kuitwa neZec Munongedzo Mukuru Unoreva Zvakawanda


VaRejoice Ngwenya
VaRejoice Ngwenya

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kukundikana kuri kuita Zimbabwe Electoral Commission, Zec, kuita basa rayo sezvinotarisirwa nebumbiro remitemo, munongedzo mukuru wekuti komisheni iyi iri kukundikana kuita basa rayo nemazvo.

Muongorori wezvematongerwo enyika, Va Rejoice Ngwenya, vaudza Studio7 kuti Zec yagara iine huori hwekushanda nehurumende nekutsvagira vechiuto nevasori mabasa vachivapa zvigaro mukomisheni iyi kuitira kuti varambe vachiziva mashandiro esangano iri.

VaNgwenya vanoti Zec yakatyora mitemo inobata sarudzo nekutambira mazita evanhu vachakwikwidza pasati pave negwaro revavhoti.

VaNgwenya vatiwo ZEC inogona kunge iine chirongwa chekuti inonotse zvinhu senzira yekuda kuti zvinhu zvizonakira bato reZanu PF.

Vatiwo zvimwe zviri kunetsawo mukomisheni iyi inyaya yekuti Zec pachayo haina mari nehunyanzvi hunokodzera kuti ifambise basa rayo nemazvo.

Asi VaNgwenya vakurudzira vanhu kuti vaende padandemutande vachitarisa kuti mazita avo ari mugwaro here revavhoti.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZec panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG