Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotarisirwa Kukunda Mudunhu reMasvingo


Emmerson Mnangagwa Zimbabwe Elections Photo Gallery
Emmerson Mnangagwa Zimbabwe Elections Photo Gallery

Zanu PF iri kutungamira zvine mutsindo musarudzo dzeparamende mudunhu reMasvingo, pari zvino iine zvigaro zvipfumbamwe, kubva pagumi zvabudiswa neZimbabwe Electoral Commission, Zec.

MDC-Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa ndiro riri kutevera Zanu PF mudunhu reMasvingo, mushure mekukunda muMasvingo Urban.

Mukuru weZec muMasvingo, VaZex Pudurai, vaudza vatori venhau zvabuda musarudzo munzvimbo dzatumirwa kwavari panguva yekupera kwezuva asi vati zvimwe zvichiri kuuya.

KuZaka West, VaOphius Murambiwa ve Zanu PF vakunda VaFestas Dumbu ve MDC-Alliance.

KuMasvingo South, VaCladious Maronge veZanu PF vakunda vachiteverwa naVaTawanda Mavhaire ve People’s Rainbow Party.

Sachigaro we Zanu PF muMasvingo, Va Ezra Chadzamira, vakundawo vachiteverwa na Amai Rosewita Madzivire ve MDC-Alliance.

KuChiredzi East, Chiredzi West neChiredzi South, Zanu PF yatora matunhu ose, ikankunda zvakare ku Zaka East neZaka Central.

VaPudurai, avo vaimbove mudzidzisi uye vari nhengo yeZanu PF District Coordinating Committee vasati vaenda kuZec, vati sarudzo dzakaitwa zvakanaka uye vanhu veMasvingo zvikamu makumi masere nezvitatu kubva muzana pane vakanyoresa kuvhota, vakavhota neMuvhuro.

VaPudurai vati vachabudisa zvimwe nekuunzwa kwazvichatwa kuhofisi yavo.

Mashoko atiri kutambira anoti Zanu PF yatora zvigaro makumi maviri nezvishanu MDC Alliance ikatora chimwe chete pazvigaro zvose zviri makumi maviri nezvitanhatu mudunhu reMasvingo.

Musarudzo dza 2013, Zanu PF yakatora zvigaro zvose zveparamende muMasvingo.

Hatina kukwanisa kubata vakunda nevakundwa kuti vatipewo pfungwa dzavo.

Musarudzo dzemakanzura MDC Alliance yakunda Zanu PF mudhorobha re Masvingo apo yatora zvigaro zvinomwe pazvigaro gumi zvirimo.

Dhorobha reMasvingo raswera rakanyarara vazhinji vakamirira kunzwa zvabuda musarudzo asi vamwe havasi kufara mushure memashoko ari kubuda musai-sai.

VaTerence Chikwanda vati vaswera vakamirira zvabuda musarudzo asi zvirikubuda muma sai-sai zvavatyisa.

Vamwewo vakaita saVa Walter Mataranyika vanoti vamirira kunzwa zvichabuda musarudzo yemutungamirir wenyika pakati paVaNelson Chamisa veMDC Alliance naVaEmerson Mnangawa ve Zanu PF.

Asi mumwe mutsigiri weZanu PF, VaDavis Guyo, vati vatomirira kuita mabiko vachipemberera kukunda kwemusangano wavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG