Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Yoronga Kuomesera Vakuru Vayo Vakabuda muWikiLeaks


Kusawirirana mu Zanu-PF kunonzi kuri kuramba kuchikura zvichitevera zvinyorwa zve WikiLeaks zviri kuburitswa pamusoro pevamwe vakuru mubato iri, vaiita hurukuro muchihwande nevamiriri veAmerica muZimbabwe.

Mukuru wekufambiswa kwemabasa mu Zanu-PF, VaDidymus Mutasa, vanoti bato ravo richaranga vose vaiita basa rekutengesa zviri kuitika mubato.

Ukuwo mukuru wevaimbova varwiri verusununguko, Va Jabulani Sibanda, vari kukurudzira kuti vese vakataura nevamiriri veAmerica vachizvidza VaMugabe, vadzingwe mubato, kana kuomeserwa zvakaomarara.

Ivo VaMugabe pachavo havasati vabuda pachena vachitaura pamusoro penyaya iyi.

Vamwe vakuru muZanu PF vakabuda mu WikiLeaks vachizvidza VaMugabe pabasa ravo rekutungamira bato nenyika, vanosanganisira, gurukota rezvevechidiki, VaSaviour Kasukuwere, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakadzingwa muhurumende segurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, pamwe naVa Sikhanyiso Ndlovu nevamwe.

Vanoongorora zvematongerwe enyika, VaCharles Mangongera, vanoti Zanu-PF yagara ine kusawirirana zvekuti zvabuda mumagwaro izvi zvichabatsira vari kurwisana kuda kutonga kana VaMugabe vabva.

XS
SM
MD
LG