Accessibility links

Breaking News

Musangano weZanu PF Unopera kuGoromonzi VaMnangagwa Vachishora Mapato Anopikisa


VaEmmerson Mnangagwa vanovhara zviri pamutemo musangano wepagore webato ravo
VaEmmerson Mnangagwa vanovhara zviri pamutemo musangano wepagore webato ravo

Musangano wepagore webato reZanu PF wanga uchiitirwa kuGoromonzi wapera neMugovera mutungamiri webato iri, VaEmmerson Mnangagwa, vachishora mapato anopikisa pamwe nekurudzidzira kuvandudzwa kwehupfumi hwenyika.

Vachitura mashoko ekuvhara musangano uyu, uyo wanga uchipindwa nevanhu vanodarika zvisuru zvishanu, VaMnangagwa vati ndivo vari panyanga seZanu PF saka nokudaro vekunze havafanire kuve nechekuita nemapato anopikisa.

Mashoko aVaMnangagwa aya anouya apo mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vachiti munyika munofanira kuitwa nhaurirano pakati pemapato ezvematongerwo dzinenge dzichitungamirwa nemuyananisi anove kana akambove mutungamiri weimwe nyika.

Kunyange hazvo tisina kukwanisa kutaura naVaChamisa pamwe nemutauri webato ravo VaDaniel Molokele, MDC yakaburitsa mashoko ekuti nhaurirano dziri kuitwa naVaMnangagwa pamwe nevatungamiri vemamwe mapato madiki akakwikwidza musarudzo dzegore rapera hadzina chadzinobatsira nacho nyika sezvo bato iri richiti gakava riripo munyika riri kukonzerwa nekubirirwa kwarinoti kwakaita sarudzo dzegore rapera.

Zvichakadai, VaMnangagwa vadzokorora mashoko avo anezuro ekuti havsi kufara nekuratidzira kwakaitwa muna Ndira wegore rino uko kwakasiya vamwe vanhu vafa uye vamwe vakuvara.

VaMnangagwa vakurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzione kuti kuratidzira kwakadai hakuzofi kwakaitwa zvakare. Vatiwo nhengo dzebato ravo pamwe nevashandi vehurumende vasiri kuita basa ravo zvakanaka, vanofanira kubviswa pazvigaro vachiti izvi zviri kudzosera nyika kumashure.

Vatiwo hupfumi hwenyika huchasimudzirwa nenyaya dzekurima vachiti havachadi zvevarimi vanogara vasiri paminda.

Panyaya yemamiriro akaita bato ravo, VaMnangagwa vati bato ravo rakabatana zvikuru vachiti havachadi kunzwa nhengo dzebato ravo dzinoita gumbo mumba gumbo panze.

Mashoko aya anouyawo apo pachinzi pane kusawirirana pakati pavo nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, panyaya dzehukuru mubato.

VaChiwenga vati musangano uyu wafamba zvakanaka uye vati chasara kwave kuzadzisa zvabvumiranwa pamusangano wepagore uyu.

Vamwe vevanga vari pamusangano uyu vakaita saVaLeonard Muganyi vanoti vafara zvikuru kuti musangano uyu wabvumirana kuti VaMnangagwa vave ivo vachamirira bato reZanu PF pasarudzo yemutungamiri wenyika muna 2023.

Zvimwe zvabvumiranwa pamusangano uyu zvinosanganisira kuti VaMnangagwa vawedzere nzendo dzavo kunze kwenyika vachinotsvaga kusimbaradza hukama hweZimbabwe nenyika dzekumavirira sezvo kuriko kune vekunze vane mari vanokwanisa kuuya kuzosima mari munyika.

Musangano uyu wabvumiranawo zvakare kuti vese vachada kushanda muhurumende vanofanira kunge vari vanhu vakaita zvidzidzo zve national youth service.

Zvabvumiranwawo zvakare pamusangano uyu kuti paumbwe mutemo uchabata zvizvarwa zveZimbabwe zvichawanika zviine mhosva yekushanda nevekunze kusvibisa zita renyika.

Musangano uyu wabvumiranawo kuti patsvagwe nzira dzekuti mishonga isiri kuwanikwa muzvipatara igadzirwe munyika sezvo pasina mari yekutenga mishonga iyi kunze kwenyika.

Zvabvumiranwawo zvakare pamusangano uyu kuti Zanu PF itore matanho akasimba kunhengo dzayo dzinoita zvehuori zvikusei munyaya dzekugoverwa kwechikafu panguva iyo nzara yakapfunya chisero munyika.

Zvabvumiranwawo kuti zvisungo zvabuda pamusangano uyu zvizadzikiswe zvikurusei kumaruwa uko bato reZanu PF richiti ndiko kwarine rutsigiro rwakanyanya kuitira kuti rigokunda musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG