Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inodzinga VaMugabe


In this handout photos, President Robert Mugabe poses with General Constantino Chiwenga at State House in Harare, Zimbabwe, Nov. 16, 2017.
In this handout photos, President Robert Mugabe poses with General Constantino Chiwenga at State House in Harare, Zimbabwe, Nov. 16, 2017.
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato reZanu PF radzinga pachigaro mukuru waro waVaRobert Mugabe.

Izvi zvinotevera danho ratorwa neCentral Committee yeZanu PF zvichitevera zvisungo zvekabuda nematunhu gumi munyika.

Zanu PF yabva yamisawo kudzingwa kwevaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vabva vadomwa kuita mutungamiri mutsva weZanu PF.

VaMugabe vapihwawo kusvika Muvhuro masikati kuti vange vasiya chigaro chekuva mutungamiriri wenyika.

Munyori wezvemutemo mubato reZanuPF, VaPatrick Chinamasa, vati vashungurudzwa zvikuru nechisungo chekubviswa kwaVaMugabe pachigaro asi vakati hapachina zvekuita sezvo VaMugabe vanga vasisateereri gwara remusangano.

Musangano uyu wabvumirana kutiwo VaMnangagwa vanofanira kutora matomu ekuvazve mutungamiriri wenyika.

VaChinamasa vati sebato vagadzirisa musangano wavo kuti vaende kusarudzo dzegore rinouya vakasimba vakatiwo hapana chikonzero chekuti bato reZanu PF riite hurumende yemubatanidzwa nemapato anopikisa sezvo vaine nhengo dzeparamende dzakawanda.

Izvi zvatsigirwawo negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, avo vati hapana chikonzero chekuita hurumende yemubatanidzwa sezvo Zanu PF yazvisimbisa nekugadzirisa nyonga nyonga mubato ravo.

VaGumbo vatiwo nhengo dzebato ravo dzanunura VaMugabe kubva kuvanhu vanga voipisa hutongi hwavo avo vavanga votora mazano kubva kwavari.

Imwe nhengo yeCentral Committee, Amai Monica Mutsvangwa, vati zuva ranhasi bato reZanu PF rawirirana kudzokera kuzvisungo zvavakarwira zvekuona kuti hupfumi hwenyika hwagadziriswa pamwe nemamwe matambudziko ari munyika.

Imwe nhengo yeZanu PF kuMashonaland West Province, Muzvare Abigail Gava, vanga vakamirira zvisungo zvedare reCentral Committee panze vaudza Studio7 kuti vafadzwa zvikuru nezvisungu zvabuda.

Muzvare Gava vati vasunungurwa zvikuru nekubva kumudzimai wemutungamiriri wenyika Amai Grace Mugabe vachivapomera mhosva yekutuka zvakanyanya nhengo dzebata iri zvisina tsarukano.

Kunyange hazvo Central Committee yaratidza kuti haisi kuzoita hurumende yemubatanidzwa sezvaidaidzirwa nemapato anopikisa, kusanganisira VaMorgan Tsvangirai veMDC, munyori musangano revaive varwi verusununguko, VaVictor Matemadanda, vati tarisiro yavo yanga iri yekuti vanhu veZimbabwe vabatane kunyange hazvo vati VaMnangagwa ndivo vachataura mashandiro avachada kuita.

Dzimwe nhengo dzebato reZanu PF dzadzingwa dzinosanganisira Amai Mugabe, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, VaJonathan Moyo, VaSaviour Kasukuwere, VaPatrick Zhuwawo nevamwewo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG