Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoramba Ichitsemuka VaMugabe Vakatarisa


Grace Mugabe sits with the presidium at a Zanu PF meeting.

VaRuhanya vanoti munhu ari kunangwa iko zvino muZanu PF nepfumo remudzimai waVaMugabe, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vanonzi vanotsigirwa nechikwata chinozviti Team Lacoste.

Vaimbova sachigaro weMashonaland Central muboka revechidiki Zanu-PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti Amai Grace Mugabe kana vapinda munyaya dzezvematongerwo enyika vanofanira kumira semusambangwena kwete kuhwanda nemurume wavo.

VaTsenengamu vanoti vakashandiswawo mukudzinga Amai Joice Mujuru nevamwe vavo mubato.

NeChina politiburo yeZanu-PF yakadzinga kana kumisa kuve nhengo vanhu vanosvika gumi nevatanhatu kusanganisira gurukota rezvevakarwa hondo, VaChris Mutsvangwa, nemudzimai wavo, Amai Monica Mutsvangwa.

Vechidiki, kusanganisira VaTsenengamu, vakadzingwa vachinzi vainyomba mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

Asi VaTsenengamu vanoti Amai Mugabe havafanirwe kubatwa semucheche nekuti kupinda kwavakaita mune zvematongerwo enyika, zvinoreva kuti vakanga vazvipira kupinda mudariro remakakatanwa anoitwa munyaya dzenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisai Ruhanya, vanoti zviri kuitika muZanu PF zvagara zvichiitika nguva dzose.

VaRuhanya vanoti VaMutsvangwa vaiva vachifara pakadzingwa Amai Mujuru, asi rwendo rwuno zvava pavari, saka hapana chitsva pane zviri kuitika muZanu PF.

Vanotiwo munhu ari kunangwa iko zvino muZanu PF nepfumo remudzimai waVaMugabe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vanonzi vanotsigirwa nechikwata chinozviti Team Lacoste.

Amai Mugabe vanonzi vanotsigirwa nechikwata chinozviti Generation40.

Hukuro naVaGodfrey Tsenengamu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG