Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Zana Votarisirwa Kuwana Rubatsiro


Vamwe vechidiki vachawana mukana wekudzidziswa nemakambani pamwe nana muzvinabhizimusi kuitira kuti vave neruzivo rwemafambisirwo pamwe nematangirwo emakambani.

Vachiparura chirongwa ichi muHarare, Doctor Eve Gadzikwa, mumwe wemadzimai anozivikanwa nezvemabhizimusi munyika, vati chirongwa ichi chiri kuitwa nesangano rakaumbwa rekubatsira vechidiki, re Campus Community Foundation, CCF, kuitira kuti vechidiki vawedzere dzidzo dzavo nekubata mabasa ezvavanenge vadzidza muzvikoro.

Doctor Gadzikwa, avo vanove imwe nhengo yebhodhi re CCF, vati chirongwa ichi chichabatsira zvikuru vechidiki kuti vave neruzivo rwemukirasi pamwe neruzivo rwemabasa.

Vatiwo chirongwa ichi chichabatsira zvikuru panguva ino apo vana vari kuzvikoro zvepamusoro vari kushaya makambani anovatora kuti vadzidzire mabasa avanenge vachidzidza kuzvikoro

CCF yabatana nemamwe masangano evechidiki kuti chirongwa ichi chifambire mberi anosanganisira sangano reYouth Council of Zimbabwe, Youth Employ Zimbabwe, Global Shapers Harare Hub nemamwe.

VaSungano Chisina vange vakamirira Zimbabwe Youth Council vanoti vafadzwa zvikuru nechirongwa ichi sezvo chichaita kuti vechidiki vave nehunyanzvi mune zvemabhizimusi.

Asi vatiwo nekuwanda kwakaita zvikoro zvedzidzo yepamusoro vana zana chete pagore vashoma.

Mumwe wevechidiki ari kuCatholic University, Tendai Handina, anoti chirongwa ichi chichabatsira vechidiki kuti vadzidzire zvinodiwa kumabasa.

Nhengo yeJunior Chamber International Capital Zimbabwe, Muzvare Kudzai Mayanga, vati vechidiki vanofanirwa kuvakwa kuti vagonewo kuvandudza hupfumi hwenyika.

Doctor Gadzikwa, avo vanotungamirirawo Standards Association of Zimbabwe, vanoti vechidiki vachapinda muchirongwa ichi kwemwedzi misere, uye vanoda kupinda muchirongwa ichi vachaita zvekunyorera vozosarudzwa.

XS
SM
MD
LG