Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWOZA Dzinofora muHarare Mapurisa Akatarisa


Nhengo dzeWomen of Zimbabwe Arise, kana kuti WOZA, dzaratidzira muHarare neMuvhuro dzichitsutsumwa nenyaya yemhirizhonga mudzimba pamwe nekuti hurumende inofanira kubuda pachena kuti chirongwa chayo chehupfumi ndechemunhu wose.

WOZA inoda kuti hurumende ibude pachena kuti chirongwa cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation, kana kuti ZimAsset, ndechevanhu vese here kana kuti ndeche nhengo dzebato reZanu PF chete.

Madzimai aya pamwe nevarume vange vachidarika zana vapinda mumugwagwa vakananga kuparamende uko vanopa zvichemo zvavo kugweta reparamende, Amai Gladys Pise, mushure mekunge mabharani weparamende, VaAustina Zvoma, varamba kutambira gwaro iri.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekusiya gwaro rezvichemo zvavo kuparamende, mukuru weWOZA, Amai Jenni Williams, vatenda mukana wavapihwa kuti vapinde muparamende uye vati vanotarisira kuti mhinduro ichauya nekukasika.

Vatiwo ruzhinji munyika haruna ruzivo pamusoro pechirongwa cheZimAsset uye hurumende haina kunzwa pfungwa dzavo apo yaironga nezvechirongwa ichi.

Vamwe vange vari pakuratidzira uku, Amai Almer Chiwanga, vaudza Studio7 kuti mhirizhonga mudzimba inoita shoma kana hurumende ikamisimudzira mararamire emadzimai munyaya dzehupfumi.

Gwaro rezvichemo raturwa kuparamende neWOZA range riinewo zvakabuda muongororo yakaitwa nesangano iri pamusoro pemhirizhonga mudzimba pamwe nenyaya dzehupfumi munyika.

Zvimwe zvacho ndezvekutii zvikamu makumi masere nechimwe kubva muzana pavanhu vanodarika zviuru zvinomwe, vazhinji vavo vari vakadzi vakabvunzurudzwa zvikati mhirizhonga kuvanhukadzi ichakawanda chose uye huwori hwemapurisa ndiwo hwave kuita kuti atadze kuchengetedza madzimai.

Zvikamu makumi mapfumbamwe nezvitatu kubva muzana zvakatiwo hupfumi hwenyika hausi kushandiswa mukusimudzira hupenyu hweveruzhinji munyika.

Kunyange hazvo mapurisa achigara achivhiringidzana nenhengo dzeWOZA, nhasi arega nhengo idzi dzichiratidzira uye dzapararira pasina kupokana kana kurohwa nemapurisa.
XS
SM
MD
LG