Accessibility links

Breaking News

WFP Yokumbirira Zimbabwe Rubatsiro rweChikafu


Mukuru we United Nations World Food Program pasi rose, Amai Ertharin Cousin, vapedza rwendo rwavo rwemazuva maviri kuZimbabwe vachikumbira rubatsirwo rwemari kuti sangano ravo rikwanise kupa chikafu vanhu vakatarisana nenzara munyika.

Vachitaura mushure merwendo rwavo, Amai Etharin vati kunyange hazvo sangano ravo rakazvipira kupa chikafu kuvanhu miriyoni nemazana masere evanhu vanodarika mamiriyoni maviri vakatarisana nenzara munyika, izvi zvinogona kutadza kuitika sezvo vakatarisana nedambudziko rekushaya mari.

Vati vanokwanisa kubatsira vanhu miriyoni nechidimbu uye vamwe vachapinda mudambudziko renzara kana mari ikasawanikwa nekukurumidza.

Vati kunyange hazvo huwandu hwevanhu vanoda rubatsiro rwechikafu rwange ruri kudzikira mukati memakore gumi apfuura, huwandu hwevana vari kushaya chikafu chakakwana hausi kudzikira.

Vati nekuda kwaizvozvo sangano ravo rine chirongwa chekutsigira vana ava kuti vawane chikafu chinovaka muviri.

Vatiwo sangano ravo rine chirongwa chekutsigira vanorarama nehutachiwana hweHIV nechikafu pamwe nekutsigira varimi vadiki kuti vakwanise kurima chikafu chakakwana.

Asi vati zvirongwa zvese izvi zvinoda rubatsiro rwemari uye kuti zvienderere mberi vachiti zvakakosha kuti vanhu munyika vawane chikafu chakakwana pamwe nekuve nehutano hwakanaka.

Vati kunetsa kwemari kwave kuita kuti sangano ravo ritsvake rubatsiro kune mamwe masangano arange risingashande nawo vakati vakatokumbirawo nyika yeChina kuti ivape rubatsiro rwemamiriyoni gumi emadhora ekutsigira zvirongwa zvaro muZimbabwe.

WFP inoda mariyoni makumi matanhatu emadhora kubva pari zvino kusvika muna Chikumi kuti ikwanise kupa chikafu kuvanhu vese vakatarisana nenzara.

Asi Amai Cousin vati vari kunetseka kuwana mari iyi nekuda kwemamwe matambudziko kune dzimwe nyika pasi rese dzakaita seSyria, South Sudan, Central Africa Republic nedzimwe.

WFP inoti inofara nekuti hurumende yeZimbabwe ine zvairi kuita mukubatsira vanhu vakatarisana nenzara.

Yati semuenzaniso chimwe chechibage chiri kutengwa nehurumende kubva kuSouth Africa, chichapihwa vanhu pasi pechirongwa cheWFP.

Nyanyi yezvekurima paUniversity of Zimbabwe, Professor Paul Mapfumo, vanoti kuuya kwemukuru weWFP muZimbabwe kunopa sangano iri mukana wekunatsonzwisisa matambudziko eZimbabwe pamwe nekuti ringabatsire sei.

Amai Cousin vatiwo zvinofadza kuti hurumende yavazivisa kuti yakatarisira goho rakanaka chose gore rino.

Murwendo rwavo kuZimbabwe, Amai Cousin vakaitawo musangano nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, pamwe nevari kuita zvirongwa zvechikafu munyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG