Accessibility links

Breaking News

World Bank Inoti Hupfumi hweZimbabwe Huchati Kwirirei Asi Dzimwe Nyanzvi Dzichiti Zvichanetsa


Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube

Mashoko ebhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reWorld Bank ekuti hupfumi hweZimbabwe huchakwira gore rino uye wakati kwirirei zvakare gore rapera yaunza kupokana kukuru munyika pakati penyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

Vamwe vanoti zviri kuratidza kuti hurumende iri mugwara asi vamwe vachiti hapana chekurovera bembera.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti zviri kutaurwa neWorld Bank zvinoratidza kuti Zimbabwe iri mugwara sezviri kutaurwa negurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti hupfumi hwenyika huri mugwara uye vanotarisira kuti hupfumi huchakwira nezvikamu zvishanu nechidimbu kubva muzana kana kuti 5,5%.

Mumashoko kuvatori venhau, bhanga reWorld Bank rinoti hupfumi hwenyika hwakati kwirirei gore rapera nekuda kwekunaya zvakanaka kwemvura uye rinotarisira kuti uchaita zviri nani zvakare gore rino kana mvura ikanaya zvakanaka, vanhu vakabayiwa nhomba yeCovid-19 uye hurumende ikaendereera mberi nekudzika mitemo yekusimbaradza hupfumi.

Asi bhanga iri rinotenda kuti vanhu vanosvika mamiriyoni matanhatu nechiuru chimwe chete munyika vakatarisana nenzara.

Nyaya yemutsauko wakakura pakati pemari iri kutengwa dhora rekuAmerica pamusika weReserve Bank of Zimbabwe Foreign Exchange Auction nepamusika wepamukoto inonzi neWorld Bank ichapa kuti mitengo yezvinhu idhure zvakanyanya. VaMuponda vati musika wekutenga nekutengesa mari weRBZ uri kushanda zvakanaka.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti hupfumi hwakati kwirirei asi vakawanda havaone mutsauko nekuti hupfumi hwange wakati dererei kwenguva yakareba. Vati nyaya yekuramba nyika ichishandisa dhora remunyika ichapa kuti mitengo yezvinhu irambe ichiita chamurambamhuru.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo.

VaMoyo vati vanhu vakawanda vachiri kunonga svosve nemuromo.

Bhanga reWorld Bank iro rakati gore rapera vanhu mamiriyoni manomwe nezviuru mazana mapfumbamwe munyika vainge vakatatisana nenzara inotyisa rinoti huwandu uhu huchaderera kusvika pamamiriyoni matanhatu nechiuru chimwe chete gore rino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG