Accessibility links

Breaking News

Madzimai ekuUzumba Vonetsekana neMhirizhonga Yatanga Mudunhu Ravo


Apo nyika yatarisana nesarudzo gore rino, madzimai mazhinji emunharaunda ye Uzumba mudunhu reMashonaland East, anoti ave kugara akabatira hura mumaoko achityira kuti munyika munogona kuita mhirizhonga zvakare seyakaitika pasarudzo dzemuna 2008.

Madzimai aya anoti anoda kuchengetedzwa kuitira kuti akwanise kuvhota murunyararo pasarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa nehurumende.

Vazhinji vemadzaimai aya, ayo anove nhengo dzeMDC inotungamirwa nemutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, anoti bato ravo rinofanira kuona zvaringaite panyaya yekuchengetedza nhengo dzaro dziri kumaruwa sezvo mhirizhonga yatotanga munzvimbo iyi.

Amai Fungai Munaki, avo vanogara mumusha wekwaChipfunde, uye vakarohwa zvakaipisisa muna 2008, vanoti vanoda kuchengetedzwa nebato ravo.

Ukuwo Amai Mona Chigubu, avo vanogara mumusha wekwaChipfuyamiiti ku Uzumba kwakare, vanotiwo kutyityidzirwa nekushungurudzwa kwatotanga mudunhu ravo, uye zvakakosha kuti vanoongorora mafambiro esarudzo, kana kuti election observers anokubva kune dzimwe nyika, vanofanira kupinda munyika nekukasika vaone zviri kuitika.

Amai Chigubu vanoti vaongorori vekunze vanofanira kupinda mumaruwa pachine nguva sarudzo dzisati dzaitwa nekuti ndiko kunoitika mhirizhonga yakawanda.

Vanoti chinotyisa ndechekuti vanhu vakakonzera mhirizhonga muna 2008 havana zvavakaitwa uye ndivo vave kuvashungurudza zvakare.

Vamwe amai vekwaChipfunde, avo vasina kuda kudomwa nezita, sezvo vachityira hupenyu hwavo, vanotiwo chinosuwisa ndechekuti kubva pavakarohwa musarudzo dzapfuura, havana kana rubatsiro rwavakawana.

Vanoti munzvimbo mavo hamusvike mapapenhau uye vanoda rubatsiro rwemafoni nemarhediyo kuitira kuti vakwanise kuzivavo zviri kuitika munyika pamwe nekuzivisawo hama neshamwari zvinenge zvichiitika mudunhu mavo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa emusangano mubazi remadzimai mubato reMDC-T kuMashonaland East, Amai Edinah Muswe, vanoti chikumbiro chikuru chemadzimai ndechekuti mutungamiriri webato ravo, VaTsvangirai, varambe kupinda musarudzo dzine mhirizhonga.

Kunze kwemadzimai, varumewo munzvimbo iyi vanoti kushungurudzwa kwatanga munzvimbo iyi uye chishuwo chavo ndechekuti dai boka rinoona nezvekutevedzwa kwechibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti Jomic, rimboshanyirawo nzvimbo iyi kuitira kuti rigadzirise matambudziko avo.

VaChamunorwa Pfupa, avo vakabatwabatwa nemhirizhonga muna 2008, vanotiwo Jomic inogona kuunza runyararo munzvimbo iyi sezvo mapurisa ari kutadza kuita izvi.

Vamwe vanoongorora zviri kuitika munyika vanoti mhirizhonga yezvematongerwo enyika inogona kuderera rwendo rwuno kana zvichienzaniswa nesarudzo dzapfuura sezvo vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika vari kutaura neizwi rimwe chete panyaya dzerunyararo pamberi pesarudzo.

Zanu PF ndiyo iri kupomerwa mhosva yekuita mhirizhonga panguva yesarudzo. Asi mutungamiri webato iri, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti mapato ezvematomngerwo anofanira kutsvaga rutsugiro murunyararo pamberi pesarudzo kwete kurwisana.

Sarudzo zhinji dzemuzimbabwe dzinogara dzakasvibiswa nenyaya yemhirizhonga. muna 2008 vatsvangirai vakaramba kupinda musarudzo yechipiri yekutsvaga mutungamiri wenyika kana kuti presidential run-off vachitsutsumwa nekupondwa kwaiitwa vatsigiri vebato ravo nevanhu ve Zanu PF.
XS
SM
MD
LG