Accessibility links

Breaking News

WDC Inoti Zimbabwe Haisati Yobvumidzwa Kutengesa Yega Mangoda ekwaMarange


Sangano reWorld Diamond Council, WDC, rinoti Zimbabwe haisati yava kukwanisa kutengesa yega mangoda ayo ekwa Marange kunyange hazvo nhengo dzeKimberley Process, kana kuti KP, dzakabvumirana kuchinja mitemo inobata kucherwa nekutengeswa kwemangoda aya.

Muchibvumirano chakavandudzwa zvichitevera musangano muna Mbudzi ku Israel, Zimbabwe inokwanisa kutanga kutengesa mangoda ayo, asi nekuda kwekuti hapana yaisa ruoko rwayo kana chayati yataura pamusoro pechibvumirano chitsva ichi, haikwanisi kutengesa yega mangoda aya zviri kunze kwe KP.

WDC yaburitsa gwaro ichiti Zimbabwe inotozotanga kutengesa kana ichinge yaita hurukuro pane misariridzwa iripo nasachigaro weKP, Va Mathieu Yamba, veku Democratic Republic of Congo.

Va Dewa Mavhinga vanoshanda neCrisis in Zimbabwe Coalition uye vari nhengo ye Local Focal Point yeKimberley Process muZimbabwe.

VaMavhinga vanoti KP yakanganisa kupa Zimbabwe mvumo iyi kuti itengese mangoda aya ivo vasiri kubvumidzwa kupinda muminda yemangoda iyi kuti vanoita ongororo.

XS
SM
MD
LG