Accessibility links

Breaking News

ZCTU: Vashandi Ngavapihwe Nguva Yekuti Vanyorese Kuvhota


Rimwe remasangano anomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kushushikana nechinono chiri kuitwa nevari kunyoresa vanhu kuvhota.

ZCTU inotiwo inoda kuti hurumende ivape mazuva ekuti vanonyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Vachitaura pamusangano waraita nesangano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, wekuzeya chirongwa chechipiri chekunyoresa vanhu kuvhota, munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti zviri kutora maawa anodarika mashanu kuti munhu anyorese kuvhota.

VaMoyo vanotiwo vanotyira kuti vashandi vakawanda vanogona kutadza kunyoresa kuvhota kana vakasapihwa nguva yekuti vanonyoresa munguva dzavanenge vari pasa.

VaMoyo vanoti ZCTU yakatonyorera kuZimbabwe Electoral Commission, ZEC, ichinyunyuta nenyaya iyi.

Vanoti vanoda kuti ZEC igadzirise zvichemo zvevashandi kuitira kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzinotevera.

Mukuru werimwe remasangano anowona nezvesarudzo, reElections Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vaudzawo musangano uyu kuti kunyange hazvo chirongwa ichi chiri nani pane chakapfuura, chine matambudziko acho akaita seiwawo ekuti vari kunyoresa vari kuita chinono.

Vanotiwo dzimwe nzvimbo dzekunonyoresera ishoma mune dzimwe nzvimbo.
VaChimhini vanotiwo masangano anoshanda akazvimirira haana kupihwa mukana wekupinda muchirongwa ichi.

Mukuru weYouth Forum, VaWelington Zindove, vanotiwo rimwe dambudziko guru nderekuti chirongwa ichi hachina kushambadzwa zvakakwana sezvo veruzhinji vasina ruzivo rwekuti chirongwa ichi chichaitwa munzvimbo mavo rini.

Asi vachitaura nevatori venhau neMuvhuro, mutevedzeri wasachigaro weZEC, Amai Joyce Kazembe, vakati masangano anoshanda akazvimirira achazopinzwa muchirongwa panguva apo vanhu vachange vave kungoongorora kuti mazita avo ari mugwaro revavhoti here kana kuti kwete.

Asi vakati kuti masangano aya apihwe mvumo, anofanira kutaura kuti anowana kupi mari, uye anofanira kupa mari yawo yese kuZEC. Asi VaZindove vanoti izvi hazvigoni kuti zviitwe nokuti ZEC pachayo ndiyo inofanirwa kunge ichipa masangano aya mari.

Mukuru wesangano ravana chipangamazano, re Zimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti hazvigoni kuti masangano anoshanda akazvimirira ape ZEC mari vachiti izvi hazvina maturo ese.

Vanhu nemasangano apinda mumusangano uyu vanoti sarudzo hadzigoni kufamba zvakana kana vanhu vese vanokwanisa kuvhota vakasapihwa mukana wekunyoresa.

Chirongwa ichi chakatanga mazuva gumi apfuura, uye chichapera musi wa 9 Chikunguru.
XS
SM
MD
LG