HARARE —
Mabharani mukuru wehurumende, kana kuti Registrar-General, VaTobaiwa Mudede, vayambira neMuvhuro vese vanoda kunyoresa kuvhota kuti vaende kunonyoresa nekukasika kwete kuzomhanya mhanya nguva yapera.
Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvekudzivirirwa nemukati menyika, maerano nemafambiro ari kuita chirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota, VaMudede vati vanhu vanofanira kutora mukana wechirongwa chatanga nhasi kuti vanonyoresa kuvhota vakawanda kwete kuzoda kuenda kuchirongwa ichi chave kunopera.
Vati kunyange hazvo vasina zvikwanisiro, vanovimba kuti chirongwa ichi chamazuva makumi matatu chichafamba zvakanaka rwendo rwuno.
Vati pari zvino havana michina yekutoresa mifananidzo pamwe nemajenareta ekushandisa kunzvimbo dzisina magetsi.
Asi VaMudede vati chirongwa cherwendo runo chirinani kana zvichienzaniswa nechakaitwa rwendo rwapfuura. Vati rwendo runo vane zvikwata zvina padunhu rega rega uye zvikwata izvi zvichapedza mazuva matatu zviri muwadhi imwe neimwe.
Asi nhengo dzedare reparamende dzaudza VaMudede kuti bumbiro idzva rinovasungira kuti zvipedze mazuva makumi matatu zviri muward yega yega.
VaMudede vati izvi hazvigoni kutika nekuti havana mari yakakwana. Vati kuti izvi zviitike vanoda mamiriyoni zana nechidimbu emadhora uye ivo vakapihwa mamiriyoni gumi nematatu emadhora chete.
VaMudede vazivisawo kuti chirongwa chatanga nhasi chichange chakanangana neavo vane makore anodarika gumi nemasere chete uye vese vane makore ari pasi vanofanira kuenda kumahosifi avo ari mumatunhu akasiyana siyana.
Panyaya yema aliens iyo iri kuramba ichinetsa, VaMudede vati vese avo vane zvitupa zvakanyorwa kuti alien vachanyoresa kuvhota zvisina dambudziko.
Asi vati vaye vasina kana magwaro havasi kuzonyoreswa pasi pechirongwa ichi uye vanofanira kuenda kumahofisi aRegistrar General kuti vanopa humbowo hunoratidza kuti sei vachida kuve zvizvarwa zveZimbabwe.
VaMudede vatiwo vachange vachiongorora mafambire echirongwa ichi nechinangwa chekuwedzera zvikwata zvavo kunzvimbo dzinenge dziine matambudziko.
Sachigaro wekomiti inoona nezvekudzivirirwa nemukati menyika, VaPual Madzore, vaudza VaMudede kuti komiti yavo ichashanya kunzvimbo dziri kunyoreswa vanhu nechinangwa chekunzwa pfungwa dzavanhu pamusoro pechirongwa ichi.
Vati vanoda kuonawo kuti vekumahofisi ekwamudzviti vakagadzirira kuita sarudzo here kana kuti kwete
Zvichakadai, veZimbabwe Electoral Commission vazivisa neMuvhuro nzvimbo dzese dzichanyoreswa vanhu kuvhota mumatunhu ese munyika.