Accessibility links

ZEC Yoshambadza Kunyoresa kuMashonaland West

  • Arthur Chigoriwa

ZEC Yokuridzira Vanhu Kunyoresa Kuvhota

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yaparura chirongwa chekushambadzira nekufamba mudzimba ichikurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota mudunhu reMashonaland West.

Vashandi veZEC vari kufamba nedzimotokari vachishevedzera kuvanhu vachivakurudzira kuti vaende kunonyoresa.

Vamwe vashandi veZEC vari kufamba mudzimba vachitaudza vagari zvakanakira kunyoresa kuvhota pamwe nezvinodikanwa kuti munhu anyorese kuvhota.

Mushandi weZEC anoshambadzira, VaDavid Mubayira, vanoshambadzira kuti gwaro rinoratidza panogara munhu harinetsi sezvinofunga vakawanda.

VaMubayira vanoti tsamba yemuridzi wepaunogara, tsamba yekuchipatara kana tsamba yawakatambira, zvinhu zvinogona kushandiswa sehuchapupu hwepaunogara.

VaMubayira vanoenderera mberi vachinyatsojekesa kuti zvitupa zvose zvinosanganisira chitupa cherata kana chesimbi, chitupa chepurasitiki pamwe nechitupa chebepa, zvinogona kushandiswa pakunyoresa kuvhota.

Kushambadzira kunyoresa kuri kuitwa neZEC kunotevera vanhu vashoma vari kunyoresa mudunhu reMashonaland West.

Pari zvino vanhu vanosvika zviuru makumi matatu ndivo vanyoresa munzvimbo dzeKariba neHurungwe.

Sachigaro weZanu PF mudunhu reMash West, VaEmphraim Chengeta, vanobvuma kuti bato ravo riri kushushikana nevanhu vashoma vari kunyoresa.

Vachengeta vanoti vakanyorera tsamba kunhengo dzavo kuti dziite chipatapata kukokera nhengo dzavo dzose kuti dzinyorese.

Nhego inomirira Norton muparamende, VaTemba Mliswa, avo vange vari muKariba svondo rino, vanoti vemapato vanofanirwa kuyamura ZEC mukushambadzira kuti vanhu vanyorese.

Imwe nhengo yeparamende yeMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, Amai Concillia Chinanzvavana, vanoti vanhu vari kuita chinono vachiti nguva ichiripo uye vanoti vari kuodzwa moyo neZEC iyo inombowanikwa isina mapepa ekunyoresa akakwana.

Vakawanda vanoti chirongwa chekunyoresa kuvhota hachisi kufamba sezvaitarisirwa sezvo vanhu vashoma vari kuenda kunonyoresa.

Mune imwewo nyaya, munyori wekanzuru yeChinhoyi, VaAbel Gotora, vayambira vose vanotengesa mumigwagwa kuti vatsvake marezinesi Muvhuro usati wasvika sezvo kanzuru ichadzinga vose vanotengesa mumigwagwa zvisiri pamutemo.

VaGotora vaudza vanotengesa mumigwagwa kuti chirongwa chekubvisa vanotengesa mumigwagwa chiri kuitwa nyika yose.

Asi pavabvunzwa kuti nzvimbo yacho yekutengesera iri papi, VaGotora vati kanzuru ichatsvaka paichapa vanoda kutengesa musiri mumigwagwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG