Malawi yave nemutungamiri mutsva akagadzwa zviri pamutemo mushure memwedzi gumi nemitatu.
Musi wa Chikumi 23, mutungamiri webato rinopikisa, VaLazarus Chakwera, vakakunda mutungamiri weMalawai, VaPeter Mutharika, musarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa mushure mekuwana zvikamu makumi mashanu nezvisere kubva muzana.
Sarudzo yemutungamiri weMalawi yekutanga yakaitwa muna Chivabvu 2019, VaMutharika vakati vakanga vakunda zvisina kunyanya. Asi VaChakwera, avo vaitevera mushure maVaMutharika musarudzo iyi, vakati sarudzo iyi yakanga yabiridzirwa ndokubva vapikisa izvi mudare reConstitutional Court.
Dare iri rakawana paine humbowo hwekusatevedzerwa kwemitemo inobata sarudzo rikatonga muna Kukadzi 2020 kuti sarudzo itsva iitwe.
Malawi inyika yechipiri muAfrica kuramba kutambira zvinenge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika ichitevera Kenya yakaita izvi muna 2017.
Gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, vakaratidza kufara zvikuru nekuchengetedzwa kwemitemo yejechetere munguva yesarudzo muMalawi.
“Vanhu vemuMalawi vakasarudza VaLazarus Chakwera semutungamiri wavo. Aka ndeke chipiri matare emuAfrica achiramba kutambira zvinenge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika uye kekutanga kuti zvabuda musarudzo inenge yadzokororwa zvichiunza mumwe wevakwikwidzi mumasimba ekutonga. Iyi inguva ine nhoroondo kuvanhu vemuMalawi," vanodaro VaPompeo.
VaChakwera vanoti kukunda kwavo “kukunda kwehutongo hwejekerere nekuyananiswa kwemitemo inotonga vanhu.” Vachitora mhiko, VaChakwera vakavimbisa kuti vachashanda vari pasi pemitemo yenyika.
“Izvi zvinoreva kuti ndichazivisa veruzhinji hupfumi hwangu gore rega rega sezvinodiwa nemutemo; ndichaenda kuparamende kunobvunzwa nevanhu mabatiro andinenge ndichiita basa rngu; ndichakumbira kuti mitemo ivandudzwe, zvikuru kuderedza masimba emutungamiri wenyika uye kusimbaradza mapazi ose kuitira kuti ashande akazvimirira, kusanganisira paramende nebazi rinorwisa huori.
“Uyu mukana mukuru munhoroondo yeMalawi kuti ishande zvakasimba kuitira kuti ive neremangwana rakabudirira, iine hurumende inoshanda zviri pamutemo, uye munhu wese akasununguka.”
Facebook Forum