Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vomirira Kuona Kuti Zvii Zvichaitika muZanu PF


Zvichitevera kudzoka neChina kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachibva kuzororo ravo regore rogaroga, vanhu vakawanda vava kutarisira kuona kuti zvii zvichaitika mubato reZanu PF iro raita zinyekenyeke zviri kukonzerwa nekusawirirana pakati penhengo dzaro.

Vachitaura nevatsigiri vavo panhandare yeHarare Internatinal Airport vachangosvika, VaMugabe vakashoropodza vaimbova munyori wemabasa muZanu PF, Va Didymus Mutasa, vachiti idhongi rakarasika rinokuma riri rega musango.

VaMugabe vakataura izvi mushure mekunge VaMutasa vanyora gwaro masvondo mashoma apfuura vachishora mafambisiro anoitwa zvinhu muZanu PF.

Vamwe vanoti mashoko aVaMugabe aya anoratidza kuti VaMutasa vanogona kudzingwa zvachose muZanu PF sezvakaitwa vaimbove mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, pamwe nevaimbove mutungamiri wesangano revakarwa muhondo yerusunguko, VaJabulani Sibanda.

Vamwewo vanoti kudzOka kwavaita kudai vaMugabe, vanofanirwa kutaurirana nemamwe mapato uye vemabhizinisi nenyaya yekugadzirIsa hupfumi hwenyika kwete kuramba vachikoshesa kupokana kuri mubato ravo.

Zvichakadaro, VaMugabe vanonzi vasimuka neChishanu vakananga kuZambia uko vanonzi vakokwa kuzova mumwe wevanyarikani pachagadzwa mutungamiri mutsva weZambia.

Nepfenyuro yeZBC inoti VaMugabe vaenda kunyika iyi negurukota rinoona nezvekudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi.

Asi chishamiso chikuru ndechekuti kuverengwa kwemavhoti musarudzo iyi hakusati kwapera, nokudaro hakusati kwazikanwa kuti ndiani akunda musarudzo iyi.

Mumwe mukuru muZambia Electoral Commission audza Studio 7 kuti sezvo vasati vapedza kuverenga mavhoti, anga asina chokwadi chekuti achakunda achagadzwa riini.

XS
SM
MD
LG