Accessibility links

Mapurisa Oparadza Zvinotengeswa Mumigwagwa


Mapurisa haadzose zvekudya zvavanenge vatorera avo vanotengesa zvisiripamurairo.

Vanotengesera mumigwagwa vari kurasikirwa nezvinhu zvavo zvinokosha zviuru nezviuru zvemadhora izvo vari kutorerwa nemakanzuru mumaguta zvichetevera mashoko emutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti makanzuru anofanira kubvisa mumigwagwa vese vari kutengesa zviri kunze kwemutemo.

Kunyange hazvo mamwe madhorobha asati atanga kubvisa vanotengesa mumigwagwa, mumaguta akaita seHarare neMasvingo, mapurisa ekanzuru pamwe neeZimbabwe Republic Police, ZRP, ari kufamba mumigwagwa achitora zvinhu zvevanhu vanonzi vari kutengesera panzvimbo dzisangabvumidzwe.

KuMasvingo vaye vanenge vatorerwa zvinhu zvavo vanokwanisa kunozvitora kumahofisi ekanzuru kana ZRP kana vachinge vabhadhara faindi.

MuHarare kanzuru inoti iri kuparadza mirivo, michero nezvimwe zvinhu zvinosvika matani maviri zuva rega rega.

Mutauririri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti zvinhu izvi, zvinogona kuora, hazvibvumidzwe kudzorerwa mumigwagwa.

Asi vanoti vaye vanenge vatorewa zvinhu zvakaita sembatya kana mbozhanhare vanokwanisa kuenda kunotora zvinhu zvavo kumahofisi ekanzuru vabvisa mubhadharo.

VaChideme vanoti nyaya yekuparadza chikafu, michero nemiriwo inoitirwa kudzivirira zvirwere zvakaita sekorera sezvo zvinhu izvi zvinenge zvatorwa munzvimbo dzisingabvumidzwe.

VaChideme vati kana zvinhu zvikagarisa zvisina kutorwa, kanzuru inozvitengesa.

Zvichakadai, VaChideme varamba mashoko ekuti mapurisa nevamwe vashandi vekanzuru vari kutora zvinhu zvinenge zvatorerwa vanoitengesera mumigwagwa vachiti izvi hazvibvumidzwe nemutemo.

Imwe nhengo yeZimbabwe Home Industries Association, Amai Martha Shumba, vati manyepo kuti vese vari kutorerwa zvinhu vari kutengesera panzvimbo dzisingabvumidzwe.

Vati semuenzaniso, kanzuru nemapurisa vari kutora zvinhu zvevanhu vari pane mimwe misika yakavhura kare kare.

Zvichetevera mashoko aVaMugabe, gurukota rinoona nezvedunhu reHarare, Amai Mirriam Chikukwa, vakaita musangano nekanzuru yeHarare, mapurisa, masoja nemagadhijere vakatanga chirongwa chekubvisa vanotengesera mumigwagwa icho chinonzi chicharamba chiripo kusvika guta rachena.

Izvi zviri kuitwawo mune mamwe maguta nemadhorobha asi mamwe madhorobha achiri kuronga kuti ofambisa chirongwa ichi sei.

Vanhu vakawanda munyika havana mabasa izvo zvave kuita kuti vararame nekutengesa mumigwagwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG