Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Vachafumura Makurukota Ari Kutadza Kuita Basa


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaudza neChipiri dare reparamende kuti kutanga mwedzi unouya vachatanga kudoma makurukota asiri kuita basa nemazvo pamwe nekudzorera basa rehurmende kumashure.


VaTsvangirai vati vachaita izvi nechinangwa chekuti dare iri rione kuti makurukota aya aita basa nemazvo.

Vati vanoziva kuti pane mamwe makurukota ehurumende asingakoshesi dare reparamende vakati ivo vachaona kuti makurukota ese arememekedza dare iri.

Vatiwo paramende inofanira kudzika mitemo inoita kuti munyika muve nerunyararo.

VaTsvangirai vati ivo nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatenderana kutsigira minamato yerunyayararo iri kuitwa nevedzisvondo mumatunhu ese munyika. Vakurudzirawo nhengo dzedare reparamende pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika kuti vaite minato yakadaro munzvimbo dzavanomirira.

Vati nyika haikwanisi kubudira kana vatungamiri vakaramba vachitaura mashoko akasiyana zvikiru sei panyaya yakaita semutemo wekupa masimba munyaya dzehupfumi kuvatema.

Panyaya yehuwori, VaTsvangirai vati vese vanoita mabasa ehuwori vanofanira kusungwa zvisinei kuti ndivanani.

Vatiwo pane nhengo dzeparamende dzakasungwa nenyaya dzekusafambisa mari dzebudiriro yematunhu, constituency development fund, vakati paramende inofanira kuvewo nemutemo wekuranga nhengo dzaro dzisingatevedzeri mutemo.

VaTsvangirai vakurudzira veruzhinji kuti vandonyoresa kuvhota asi vakati makurukota anoona nezvemukati menyika anofanira kuona kuti vanhu havasi kurambidzwa kunyoresa kuvhota sezviri kuitika pari zvino.

Vave kupindura mibvunzo kubva kunhengo inomirira Mutare South, VaFred Kanzama, kuti sei chibvumirano che global political agreement chiri kuramba chichishanda asi icho chaifanira kushanda kwemakore maviri chete, VaTsvangirai vati sarudzo ndidzo chete dzichabvisa chibvumirano ichi.

Panyaya yezvirangano zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe, VaTsvangirai vatiwo hurumende yavo iri kutaura nenyika dzakaisa zvirangano izvi, asi vakati zvakakoshawo kuti pakagadziriswe zvakakonzera kuti zvirango izvi zviiswe.

XS
SM
MD
LG