Accessibility links

VaTsvangirai Vanoti Nyika Haigoni Kuita Sarudzo Gore Rino Sezviri Kudiwa neZanu PF

  • Irwin Chifera

Mutungamiriri wehurumende uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakati chero zvakaoma sei, Zimbabwe haigoni kuita sarudzo gore rino uye veruzhinji havafaniri kuteerera mashoko ebato reZanu PF ekuti sarudzo dzichaitwa chete gore rino.

vachitaura muHarare nemusi weChina manheru pakuparurwa kwechirongwa chePan African Leadership Policy Dialogue chakarongwa neSouthern African Political Series kana kuti
SAPES, VaTsvangirai vakati Zanu PF naVaMugage vari kutovhiringidza nyaya dzekugadziridza upfumi hwenyika nemashoko avo esarudzo.

Vakati Zimbabwe haigoni kuita sarudzo panguva ino bumbiro remutemo risati ravepo nekuti ndiro richaburitsa pachena kuti vanhu vemuZimbabwe vanoda kuti zvinhu zvifambe sei munyika.

VaTsvagirai vakati vane chivimbo chekuti musangano weSADC uchaitwa kuNambia svondo rinouya uchabuda nehwaro hwekugadzirisa dambudziko remuZimbabwe.

Vakati vane chivimbo chekuti zvinhu zvichanaka muZimbabwe munguva pfupi inotevera, vakati bato ravo ratove nehurongwa hwekutungamira nyika yeZimbabwe.

Chirongwa cheSAPES chakanangana nekuti vatungamiriri venyika kana hurumende dzemuSADC neAfrica vasangane nevanhu vachi vatsanangurira kuti zvinhu zviri kufamba sei muhurumende dzavanotungamira.

XS
SM
MD
LG