Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Hurumende Haisati Yatora Danho paMihoro yeVashandi Vayo


Zimbabwean PM and MDC President Morgan Tsvangirai speaks during a press conference in Harare following the arrest of Energy minister and MDC member, Elton Mangoma, March 10 2011

Mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende haisati yatora danho rekusakukwidza mihoro yevashandi vehurumende gore rino vachiti hurumende inoda chose kuti vashande vayo vatambire mari inovafadza.

Vachipindura mibvunzo kubva kunhengo dzedare reparamende, VaTsvangirai vati hurumende iri kunetseka nemari nekuda kwekuti mari dziri kubva pakutengeswa kwemangoda, hadzisi kusvika kubazi rezvemari.

Svondo rino, bepanhau rehurumende rakaburitsa nyaya yekuti hurumende iri kuronga kusakwidzwa mari dzevashandi vayo rikaburitsawo vamiriri vevashandi vehurumende vachituka gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamusoro penyaya iyi.

Hurumende yaitarisira kuwana mamiriyoni mazana matanhatu emadhora kubva kumangoda, asi izvi zviri kutadza kuitika izvo zvave kuvhiringa mabasa ehurumende.

VaTsvangirai vatiwo hazvibatsiri kuenda kusarudzo kana vamwe vari muchiuto vakaramba vachitaura mashoko ekuti havasi kuzotambira zvinenge zvabuda musarudzo kana bato reZanu PF rikasakunda musarudzo idzi.

Asi VaTsvangirai vati vari muchiuto vazhinji vanotevedzera mutemo wenyika uye pane vashomanana muchiuto nemapurisa vari kuita zvematongerwo enyika.

Mune imwewo nyaya, VaTsvangirai vati dare remakurukota riri kugadzirisa nyaya yechibvumirano che Essar Africa Holdings ne Zimbabwe Iron and Steel Company pamwe neChisumbanje Ethanol Project vakati zvese zvainetsa zvichange zvagadziriswa munguva pfupi inotevera.

Vaudzawo dare kuti zvakataurwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, svondo rapfuura zvekuti bhodhi reBroadcasting Authority of Zimbabwe rakasarudzwa zviri pamutemo, ndezvemanyepo uye zviri pachena kuti gurukota iri riri kuzvidza vatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa nekuramba kusarudza bhodhi iri patsva.

XS
SM
MD
LG