Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Havapindi Musarudzo Dzinodaidzirwa naVaMugabe Vega


Mutungamiri wehurumende uye varizve mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vangagoramwa kupinda musarudzo kana mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vakati sarudzo dziitwe gore rino vasina kunge vavasuma sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA.

VaTsvangirai vanonzi neReuters vataura mashoko aya pamusangano wavaita neChina nevemabhizimisi vekuGermany vari kushanyira Zimbabwe.

VaTsvangirai vanoti panofanirwa kutanga panyorwa bumbiro idzva remitemo yenyika sarudzo dzisati dzaitwa. VaTsvangirai vanotiwo havaone sarudzo dzichikwanisika kuitwa gore rino.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaMsekiwa Makwanya, vanoti ichokwadi kuti VaMugabe havakwanise kudaidzira sarudzo vega, nekuti GPA haivapi masimba ekuita izvi. Vatiwo VaTsvangirai vanofanirwa kuziva kuti vakasapinda musarudzo kana dzichinge dzatsigirwa neSADC, vanenge vatosiya mukana wekuti vakwanise kuva mutungamiri wenyika anenge asarudzwa nevanhu.

XS
SM
MD
LG