Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoshanyira Mashambanzou neMathew Rusike


Mutangamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende iri kupa bazi rezvehutano mari yakawanda kudarika mamwe mapazi, kuitira kuti vanhu vanorarama neHIV/AIDS, vabatsirike zvikuru. VaTsvangirai vataura mashoko aya kuMashambanzou uko vapa zviuru zvitatu zvemadhora ekuAmerica kuvanhu vanogara panzvimbo iyi. Mari iyi ichashandiswa kutengera vanhu vari paMashambanzou zvinhu zvekudya pakisimusi.


Vatsvangirai, avo vanga vachifamba nedzimwe nhumwa dzechinese community of zimbabwe, vapa mashambanzou mari inosvika zviuru zvitatu zvemadhora eku america. Vatsvangirai vatendawo vashandi vose vepachipatara ichi nekushanda kwavari kuita vachibatsira vanhu vanorarama nehiv/aids.

Vatsvangirai vati kunyange hazvo kari kekutanga kavo kusvika pamashambanzou, hurumende yakazvipira kupa vanhu vari kurarama nehiv/aids hupenyu huri nani.

Vatsvangirai vakurudzirawo vose vanga varipo kuti vazvidzivirire kuchirerwe ichi, vatiwo nyaya yekugara nhaka iri kuita kuti chirwere ichi chitapuriranwe munyika. Vatsvangirai vakurudzira kuti tsika iyi isaraswe, asi kuti vanenge vapiwa basa rekugara nhaka, vachengete mhuri dzavanenge vasiirwa, kwete kumhanyira kuita zvepabonde.

Vachitauarwao mushure mekupiwa chipo chemari mukuru anoona nezve mari pamashambanzou, amai rosa chigwa, vatenda zvikuru nemari iyi vakati ichabatsira zvikuru vagari vepo kuti vange vane kisimusi iri nani.

VaTsvangirai vashanyirawo zvekare Chinyaradzo Children’s Home nekuMatthew Rusike Children’s Home kuEpworth, uko vapa zvekare mari inosvika zviuru zvina zvemadhora ekuAmerica kunzvimbo idzi kuti vana vange vaine kisumusi iri nani gore rino.

VaTsvangirai vatsinhira chido chehurumende chekupa vana ava hupenyu huri nani vakati izvi zvakatoratidzwa nemari yakaiswa kubazi rezveutano nekuchengetdzwa kwevana mubhajeti ya2010.

XS
SM
MD
LG