Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai, VaMadhuku, Amai Mtetwa naVaMuchadehama Vanoremekedzwa neMasangano Akazvimirira


Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010
Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010

Mamwe masangano anoshanda akazvimirira munyika akapa mibairo wekurwira kodzero dzevanhu pamwe nekuunza hutongi hwejekerere munyika kuvanhu vana vanoti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, sachigaro weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, pamwe nemagweta maviri, Amai Beatrice Mtetwa naVaAlec Muchadehama.

Masangano aya anoti reCatholic Commission for Justice and Peace, Restoration of Human Rights Zimbabwe, Centre for Community Development in zimbabwe, pamwe neVictims Action Committee, akapa vanhu ava rumekedzo neChipiri manheru nekuda kwekuzvipira pamwe nebasa guru ravakaita neravari kuita mukurwira kodzero dzevanhu pamwe nekuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Izvi zvakaitwa pakuparurwa kwechirongwa chekunyaradzana, pamwe kukurudzira kuti vanhu varegererana munyika.

Mubairo waVaTsvangirai, avo vakange vasipo, wakagamuchirwa nerimwe remakurukota anoona nezvemukati menyika, Amai Theresa Makone, vanove zvakare sachigaro wesangano revanhukadzi muMDC.

Vachitaura pachiitiko ichi, vakasanobata chinzvimbo chemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokhozani Khupe, vakarumbidza vanhu ava vachiti Zimbabwe inoda vatungamiri vakaita saVaTsvangirai vane rudo, tsitsi uye vanokoshesa hupenyu hwevanhu.

Vakati munyika hamugoni kuve nebudiriro kana muine mhirizhonga vakati VaTsvangirai, VaMadhuku, Amai Mtetwa naVaMuchedahama, vakaita basa guru kuti zvinhu zvidzikame munyika.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru wesangano reRestoration of Human Rights - Zimbabwe, VaTichanzii Gandanga, vakati masangano avo akatora danho rekupa ruremekedzo kuna VaTsvangirai nevamwe vavo semucherechedzo webasa guru ravakaita uye ravari kuita mukusimudzira nyaya dzekodzero dzevanhu pamwe nekurwira kuti munyika muve nehutongi wejekerere.

Asi vakaenderera mberi vachiti vemasangano anoshanda akazvimirira haasi kufara nenyaya yekuti hurumende yemubatanidzwa haina zvairi Kuita panyaya dzemhirizhonga yakaitika musarudzo dzapfuura, uyewo kuti mhirizhonga iri kuramba ichienderera mberi. Vakatiwo hapana zviri kuitwa kuvanhu vari kukonzeresa mhirizhonga.

Muzvare Khupe vakati hurumende inofara chose nechirongwa chemasangano mana aya, vakatiwo ashande pamwe chete ari pasi pebazi rezvekupodzwa kwemaronda nekuregererana munyika.

XS
SM
MD
LG