Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vosvitsa Nhunha Dzavo Kuna VaTsvangirai


Vatori venhau vanosvika zana vatumira gwaro renyunyuto dzavo kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vachiratidza kusafara kwavo nemabatirwo ari kuitwa vamwe vavo.

Vatori venhau ava vasvitsa nyunyuto iyi vachishanda vari pasi pemubatanidzwa wemasangano anomirira vatori venhau pamwe nekambani anodhinda nhau, reMedia Alliance of Zimbabwe.

Vatori venhau ava vanoti havasi kufara nemabatirwo akaitwa mutori wenhau we Standard, Nqobani Ndlovu, pamwe na Anderson Manyere, avo vakasungirwa zvine chekuita nebasa ravo. Gwaro iri riri kuendeswawo kumutungamiri we South Africa, VaJacob Zuma, avo vange vari munyika neChishanu, uye munyori weSADC, VaTomaz Salamao.

Imwe nhengo yekomiti yeMisa Zimbabwe, VaKumbirai Mafunda, vanoti vatori venhau havasi kufara nemabatirwo evari kuitwa muhurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG