Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vorangarira Zuva reWorld Press Freedom Miromo Yakavharwa neHurumende


Zimbabwe yabatana nepasi rose neChipiri mukucherechedza zuva rekuchengetedza kodzero dzevatori venhau pamwe nemakambani anoburitsa nhau, re World Press Freedom Day.

Hurongwa hwezuva re World Press Freedom Day hwarongwa nesangano reZimbabwe Media Commission.

Pamusangano uyu vatori venhau vanonzi vaudza gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Webster Shamu, kuti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa vatori venhau munyika, kusungwa pamwe nekumbunyikidzwa mushure mekunge vaburitsa nhau dzisingafarirwe neveZanu PF muhurumende yemubatanidzwa.

VaShamu vatiwo vatori venhau vanofanirwa kunyora chokwadi vasingakanganisi zvimiro zvevanhu vavari kunyora nezvavo. Vatori venhau vati vanodawo kuti masaisai avhurwe kuitira kuti pave nenhepfenyuro dzakazvimirira dzoga munyika.

Chibvumirano cheGlobal Political Agreement chinosungira hurumende yemubatanidzwa kutsvaga nzira dzinoita kuti nhepfenyuro dziwande munyika, uye vatori venhau vari kushanda vari kunze kwenyika, vawanirwe mukana wekudzokera kumusha kuitira kuti vatange dzinhepfenyuro dzinoshanda dzakazvimirira.

Imwe nhengo yesangano reZimbabwe Media Commission, Va Mathew Takaona, vanoti pachine zvizhinji zvinoda kuitwa kuti nyaya dzekutorwa kwenhau dzifambe zvakanaka munyika. VaTakaona vanoti vanofara nekupihwa marezinesi kwakwaitwa mapepa matsva nekuti nyaya dzenhau dzava pari nani, kunyange hazvo dzinhepfenyuro itsva dzisati dzavhurwa.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Murisi Zwizwai, vati vatori venhau vasvitsa kunyunyuta kwavo kumahofisi ebazi ravo. VaZwizwai vati vatori venhau havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nevasori, masoja, mapurisa nezvimwe zvakadaro. Vatiwo vatori venhau vari kuda kuti kuti mitemo yakaita se AIPPA ibviswe nekuti inovaomesera.

Kucherechedzwa kwezuva iri kunoitika apo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachionekwa semumwe wevatungamiri vashanu vemu Africa vanodzvanyirira vatori venhau.

Vachitaura pamusoro pezuva iri, VaMugabe vati vatori venhau vakasununguka kuburitsa nhau pasina anopindira mukushanda kwavo.

Asi vatiwo hazvifadzi kana vatori venhau varambe vachiburitsa zvinhu zvinosvibisa chimiro chenyika, kana chemunhu, vachiti vatori venhau vanofanirwawo kubudisa zvinhu zvebudiriro.

Sangano re MISA-Zimbabwe rinoti hurumende inofanirwa kugadzirisa mitemo ine chekuita nekufambiswa kwemashoko, kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muZimbabwe.

Sangano iri rinotiwo riri kushushikana zvikuru nekutadza kuri kuita Zimbabwe kuvandudza mitemo ine chekuita nekutepfenyurwa kwenhau.

Pari zvino Zimbabwe haina nhepfenyuro yakazvimirira, kunyange hazvo dzimwe nyika gumi neina dzemu SADC, dzave nenhepfenyuro dzakazvimirira.

XS
SM
MD
LG