Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vokandirana Makobvu neMatete naVaTsvangirai naVaMpofu


Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010
Zimbabwe's Prime Minister Morgan Tsvangirai gives a press conference in Harare to announce the reshuffling of ministers belonging to The Movement for Democratic Change (MDC) party, 23 Jun 2010

Sangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists, kana kuti ZUJ, rinoti harisi kufara nemashoko ekunyomba nhengo dzaro akataurwa nevamwe vakuru vari muhurumende.

Sangano iri rinoti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakaresva apo apo vakati vatori venhau vemakambani ari pasi pehurumende havana hudzamu pakuita basa ravo.

Asi hofisi yaVaTsvangirai inoti haiwirirani nemashoko eZUJ, iyo yakaburitsa gwaro svondo rino ichiti VaTsvangirai negurukota remighodhi, Va Obert Mpofu, vamwe vezvematongerwe enyika vanoshora vatori venhau mubasa ravo.

Hofisi yaVaTsvangirai inoti inoremekedza vatori venhau uye icharamba ichirwira kodzero dzavo kuitira kuti vashande vakasununguka.

ZUJ yakataura izvi mushure mekunge VaTsvangirai vashora vatori venhau vemapepa ehurumende vachiti havana pfungwa dzakadzika.

VaTsvangirai vanonzi vakataura izvi pamusangano we SAPES Trust muHarare svondo rapera.

Va Mpofu vanonzi vakatiwo mutori wenhau weDaily News, Chengetai Zvauya, anoshandiswa nevapambepfumi mukuita basa rake.

Munyori mukuru weZUJ, VaFoster Dongozi, vanoti sangano ravo harina kufara nemashoko aVaTsvangirai pamwe neaVaMpofu.

VaDongozi vanoti chakaita kuti vanyore gwaro iri inyaya yekuti mashoko anotaurwa nevatungamiriri vezvematongerwo enyika anotambirwa zvikuru nevanovatsigira vanozowonekwa nguva zhinji vachirova vatori venhau kana vasangana navo.

Vati izvi hazviitiki kuMDC chete asi kuti zviri kuitikawo mu ZANU-PF pamwe nerimwe bato diki re MDC iro vati raityisidzira kuti richaendesa vatori venhau kumatare kana vakaramba vachinyora zvisingafarirwe neMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube.

Mutauriri waVa Tsvangirai, Va Luke Tamborinyoka, vanoti ZUJ yatora nyaya iyi zvisiri izvo nekuti VaTsvangirai vanorekedza vatori venhau nekodzero dzavo. Va Tamborinyoka vanoti Va Tsvangirai vava nemakore vachimbunyikidzwa nekutukwa nevatori venhau vanoshandira makambani ari pasi pehurumende akaita seHerald neZBC.

XS
SM
MD
LG