Accessibility links

Breaking News

Va Kunonga Vokonzera Zvakare Mutauro muAnglican Church


Vatenderi veku St Edens ku Unit K vakatorerwa chechi yavo yekutanga naVaKunonga

Vatenderi vechechi ye Anglican iri pasi pe Province of Central Africa kana kuti CPCA vari kuchema zvichitevera kutorerwa chechi itsva yavanga vari kuvaka nevaimbove Bishop wavo, Va Nolbert Kunonga.

Vatenderi veku St Edens ku Unit K vakatorerwa chechi yavo yekutanga naVaKunonga ndokuenda kunotanga kuvakazve imwe chechi itsva, asi VaKunonga vachibatsirwa nemapurisa, vakavatevera ndokuvadzinga zvakare pachivakwa chavo chitsva ichi.

Vatenderi ava vati vari kushushikana kuti vakavaka chechi nemari dzavo, uye dzekupemha.

Mumwe mupurisa asina kuda kudomwa zita rake anoti ichokwadi kuti vetenderi vakabviswa muchechi yavo itsva.

Mutauriri waVa Kunonga, Bishop Alfred Munyanyi, varamba kutaura vachiti havabvumidzwe kutaura nevatori venhau.

Gweta re CPCA, Va Chad Gandiya, vati kushungurudzwa kuri kuramba kuchiitwa vatenderi vavo kuri kuvarwadza zvikuru.

XS
SM
MD
LG