Accessibility links

Breaking News

Vatambi Venhabvu Vanemukurumbira Votorwa Ropa Kuti Vazive Kuti VeneMukondomera Here


Sangano re FIFA razivisa kuti makwikwi emitambo yenhabvu e2018 World Cup achatambirwa kuRussia uye makwikwi emugore ra 2020, achatambirwa kuQuatar ku Middle East. Izvi zvaburitswa nemutungamiri weFIFA, va Sepp Blatter pamabiko aitirwa muguta reZurich kuSwirterland nhasi.

Makwikwi emugore ra 2014 achatambirwa kuBrazil.

Mune imwe nyaya, mutambi wenhabvu ane mukurumbira, Washington Aribu, uyo anotambira Dynamos, ari kukurudzira vamwe vatambi kuti vaende kunoongororwa ropa ravo kuti harina here hutachiwona we HIV - AIDS kuitira kuti vawane rubatsiro pachine nguva kana vachinge vawanikwa venehutachiwona.

Arubi anoti zvini nani kuti munhu azive mamiriro akaita ropa rake kuti awane rubatsiro kana kuzvidzivirira mukuwana hutachiwona achinge awanikwa asina.

Arubi mumwe veavo vakaenda kunoongororwa ropa kuNew Start Center, muHarare nezuro pazuva rekucherechedza World Aids Day iro range richipembererwa nezuro.

XS
SM
MD
LG