Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoratidzira muHarare


Vashandi vehurumende varatidzira muHarare neChishanu vachiti havasi kufara nemari yavari kutambiriswa. Kunyange hazvo vawirirana kuti vadzokere kumabasa kutanga neMuvhuro asi vasingashandi, vashandi ava vanoti havasi kufara nenguva iri kutorwa nehurumende mukugadzirisa gakava remihoro riripo.

Mutauriri wevashandi ava, uye vari sachigaro weAPEX Council, Amai Tendai Chikowore, vanoti musangano weChishanu wabuda nechisungo chekuti vashandi varambe vakabatana, uye kuti vadzokere kubasa neMuvhuro, kunyange hazvo vanenge vasingaite basa.

Vati vari kupa hurumende kusvika musi wa 5 Kurume kuti inge yagadzirisa nyaya dzemihoro.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vatiwo hurumende inofanirwa kuremekedza kodzero dzemushandi. Vatiwo izvi zvikasaitika, vashandi vachanyatsoratidza hurumende simba ravanaro.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari National Director veNCA, VaErnest Mudzengi, vanoti kuramwa mabasa kwevashandi kunoratidza kutadza kutonga kwehurumende yemubatainidzwa sezvo yakavimbisa kutambirisa vashandi mari dzine chiremera.

XS
SM
MD
LG